Kwayedza
Susan Tembo
Ruzhinji mamask marasira kure
Kuapfeka kutya kusungwa
Kwete kuchengetedza utano.
Gurumwandira kuungana hamuchazezi
Kuzora sanitiser kunenge kunetswa.
Kudoti garai mudzimba,
Zvitanda munzeve moisa.
Muchiri kundiyeuka here?
Makanganwa ini Covid-19?
Yeukai handina panorema
Mose vakuru nevadiki
Ndinokusvikirai mose
Handidi chiokomuhomwe
Bvunzai vandaradzika.
China, UK, USA, South Africa
Kwese havachina jee neni.
Akupa damba anokuda
Ziva ndiri pedyo newe
Natira mvura, unwe zumbani,
Rega zvekufamba famba
Usaende panoungana vazhinji
Pfeka mask yako.
Usazondikanganwa mwanawe
Ukadaro ndikakutora kuseni
Ini Covid mushaya gandakumeso!