NUST yosimudzira vane matarenda

01 Nov, 2019 - 00:11 0 Views
NUST yosimudzira vane matarenda Tafadzwa Banga (wechitatu kubva kurudyi) aine vamwe vake

Kwayedza

Daphne Machiri

NATIONAL University of Science and Technology (NUST) yakavamba kirabhu yeYoung Inventors nedonzvo rekusimudzira vadzidzi vane matarenda ezvigadzirwa zvemaoko zvesainzi.

Danho iri rakananga kuvandudza ruzivo rwemichina yechizvino-zvino iyo yakakosha mubudiriro yeupfumi hwenyika. Chirongwa ichi chiri kutsigirwa nesangano reYoung African Leaders Initiative (YALI).

Miriam Guni, uyo anova mutungamiri wekirabhu iyi, anoti vakaona zvakakosha kusimudzira matarenda evadzidzi vanoita zvidzidzo zveScience, Technology, Engineering and Mathematics (STEM).

“Kirabhu yedu ine vadzidzi vemubandiko rezvidzidzo zveSTEM. Takaona zvakakosha kuti vadzidzi ava vawane mukana wekupakurirana mazano neruzivo maerano nekuvandudza kusimudzirwa kwemichina yechimanje-manje zvinosanganisira Engineering, Robotics neScience,” anodaro.

Mashoko ake anotsinhirwa naTafadzwa Banga anove mutungamiri wechimwe chirongwa cheStudents for the Exploration and Development of Space pakare paNUST achiti donzvo ravo nderekuumba vanamuzvinhasainzi vemangwana.

“Takakwanisa kusarudzwa kuenda kunyika yeSouth Africa kumakwikwi eSANBioLabHACK SADC Region Competition tichinomirira Zimbabwe apo tainoratidzira mabasa emaoko ezvidzidzo zveEngineering, Science nezvimwe zvine chekuita nekugadzirwa kwemichina,” anodaro.

Anoti chikwata chavo chakanoratidzira muchina unozivikanwa nekuti Polymerise Chain Reaction (PCR) Thermocycler uyo unoshandiswa kuvheneka kazhinji kana pachinge paita njodzi dzakadai sekuti vanhu vakatsakatikira mumoto.

Muchina uyu unonzi unokwanisa kuvheneka uchiona kuti vanhu vaive mubhazi kana motokari ndivanani u

ye unogona zvakare kushandiswa nemapurisa kana vachinge vachiita tsvakiridzo pazviitiko zvinosanganisira njodzi dzemumigwagwa.

“Takatora nhamba yechitatu tikapihwa mukombe nemimwe mibairo inosanganisira R2 000 yekutenga zvatinoda kushandisa mukuita mabasa edu eEngineering. Takawanawo mukana wekutaura nachamangwiza vekuOxford Univestity, Dr Louise Bezuidenhout, avo vachange vachitibatsira mukuita zvidzidzo zvedu nekuvandudza ruzivo rwemichina,” anodaro Banga.

Share This:

Sponsored Links