Nyautsa mukanwa neharurwa

06 Sep, 2019 - 00:09 0 Views
Nyautsa mukanwa neharurwa Harurwa

Kwayedza

Zviri mugapu na Muchaneta Chimuka
HARURWA tupukanana tunorarama nekudya mashizha emiti sezvinongoita hwiza kana kuti mhashu, asi tuchinyautsa mukanwa zvikuru kana tukabikwa nemazvo.

Svondo rino Kumbirai Quarter wekuJerera, kuZaka, anorondedzera mamwe mabikirwo eharurwa.

Zvinodiwa:

Harurwa, mvura, chikari, munyu nemafuta.

Mabikiro:

Isa harurwa muchikari chakachena dziine mambava adzo.

Chidzifashaidza mumvura shomanana ine munyu nemafuta mashoma asi hadzifanire kunyanya kuibvisa.

Kana harurwa dzaibva, dzinoonekwa nekutsvukirira.

Chidziyanika pazuva dziri murusero kusvika dzanyatsooma.

Sarudza harurwa dziya dzinovava dzinonzi fuve, wodzibvisa mune dzakanaka. Fuve inoonekwa neruvara rwakasviba uye inovava samare.

Vamwewo vanoti fuve inovava zvekuti munhu anochema kana achiidya uye inonzi inorapa zvimwe zvirwere zvakaita sechikosoro. Regai vamwe vazoti harurwa manyautsa mukanwa chokwadi!

Harurwa kudya kweparwendo uye hadziwori zvekuti dzinogona kugara kwegore rose kana dzichinge dzaomeswa zvakanaka.

Dzinogona kudyiwa dzakadaro kana nesadza.

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281

 

Share This:

Sponsored Links