Nyaya yechimbuzi yakwidzwa kumatare

20 Jun, 2022 - 09:06 0 Views
Nyaya yechimbuzi yakwidzwa kumatare Dare

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUKADZI wekuChitungwiza wekuzvindikita kurova mwana wemuvakidzani wake pamwe nekumusaidzira kumadziro zvikaita kuti akuvare apo aimupomera mhosva yekusageza chimbudzi, akaigochera pahutsi zvichitevera kuendeswa kwaaitwa kudare redzimhosva.

Mutongi wedare reChitungwiza Magistrate’s Courts, VaPrince Hurungudo vapa Yolanda Nenure (29) wepanhamba 17480 Unit M chirango chekubhadhara faindi ye$5 000 uye kukundikana kwake kubvisa mari iyi achagara mujeri kwemwedzi mumwe chete.

Muchuchisi Pamela Rutendo Dzinduwa vaudza dare kuti Benure akarova mwana wemuvakidzani wake ane makore 14 ekuberekwa achimupomerwa mhosva yekusageza chimbuzi icho vanoshandisa vose pamba apa.

Atongwa pasi pemutemo weAssault as Defined in Section 89(1) (a) of the Criminal Law Codification and Reform Chapter 9:23.

Anoti nemusi wa23 Kurume gore rino munguva dzemanheru, Benure akarova mwana uyu achishandisa mbama pamwe nekumusundidzira kumadziro.

Achitaura mudare, mwana uyu anoti: “Benure nemumwe mudzimai vakatanga kundipopotera vachiti ndainge ndaudzirei amai vangu kuti vakambenge vandirova muzuva radarika. Vakatanga kundituka vachinditi ndiri h**e uye handichisiri mhandara.

“Saka pandakabuda muchimbuzi ndipo pavakatanga kundirova kumusana nembama vachiti ndainge ndisina kuchigeza vakandisaidzira kumadziro zvikaita kuti ndikuvare.”

Zvisinei nekuti Benure akazama kuramba nyaya yaaipomerwa iyi, akabatwa nemhosva zvichitevera umbowo hwaimuroverera.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>