Nyika ine maguta – Basera

09 Mar, 2023 - 10:03 0 Views
Nyika ine maguta – Basera Dr Basera (kurudyi) naVaMike Laskbrook vachimema kambani yeNational Foods Holdings

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUNYORI mukuru kubazi rezveminda, kurima, hove, mvura nekusimudzirwa kwekumaruwa, Dr John Basera, vanoti nyika inofanirwa kuva nemitemo inobatsira mukusimudzirwa kwemakambani akazvimiririra kuitira kuti awanise veruzhinji chikafu chakakwana.

Vakataura mashoko aya neChipiri chino mushure mekumema kambani inogadzira chikafu, yeNational Foods Holdings, muHarare.

Dr Basera vanoti nyika ine chibage chakawanda apo mwaka uno iri kutarisira kuwana matani mamiriyoni matatu izvo zvichabatsira zvekare vemakambani kuti vave nezvigadzirwa zvakawanda.

Vanoti kudyidzana kuri pakati pemakambani akazvimirira idanho rakakosha uye rine mikana yakawanda yekusimudzira chikamu chezvekurima munyika zvichizobatsira zvekare munyaya dzekutengeserana muno nekunze.

“Zvatiri kuona kuvandudzwa kwechikamu chezvekurima kuitira kuti pave nechikafu asi shuviro yedu huru ndeyekuti vanhu vawane chikafu. Tinofara zvikuru nezvataona pakambani ino sezvo iri kuita mabasa makukutu ekugadzira mhando dzakasiyana dzechikafu zvinobatsira utano hwenyika uye kurwisa nyaya dzenzara nehurombo. Vashandi vazhinji vari pakambani ino vagari vemuZimbabwe,” vanodaro.

Hurumende inopa mari inosvika US$30 miriyoni pagore yekutsigira kurimwa kwegorosi remuchando pamwe chete nechibage nesoya bhinzi.

Mukuru weNational Foods, VaMike Lashbrook, vanoti vakashandisa mamiriyoni akawanda emari yekunze mukugadzira mafekitari echizvino-zvino.

“Kambani yedu inoramba iine tariro pamaonero neramangwana reupfumi hweZimbabwe nekudaro inoisa mari inodarika US$30 miriyoni munyika gore negore uye tinotenga matani 600 000 echibage pagore,” vanodaro.

Kambani iyi inogadzira chikafu chevanhu nechezvipfuyo icho chave chikamu chemhuri imwe neimwe muZimbabwe mukati mezana ramakore.

Nguva pfupi yadarika, yakabva pamusika wemari weZimbabwe Stock Exchange umo yakanga ichitengesera kubva muna1975 uye ndokuenda kune weVictoria Falls Stock Exchange.

Share This:

Sponsored Links