Nzvimbo nemabasa adzo

30 Aug, 2019 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
REGAI timbosiya nyaya dzemhuka nevana vadzo zvatanga tichibata muzvikamu zviviri zvapfuura timbonhanhira kunyaya dzenzvimbo nemabasa adzo.

Tine nzvimbo dzakasiyana muchivanhu idzo tinokoshesa pamusana pezvadzinoshandiswa. Dzimwe dzenzvimbo idzi dzinoyera kozoita dzimwe dzisingayere.

Nzizi dzine nzvimbo dzadzinonodirirana uko kwadzinosangana dzodira mvura munzvimbo imwe chete rwuchizoita rwizi rwukuru kubva ipapo. Nzvombo iyoyo inonzi madirirano kana kuti masanga. Vamwe vanongopati pamadiro. Mumba yekubikira mune hari dzinochengeterwa pachikuva kuchitiwo zvekudya zvinochengeterwa pachitangara. Apa tiri kutaura takanangana nehugaro hwekumaruwa kwete mumadhorobha. Mhuru dzemombe nembudzi dzinorara muchikwere kana kuti chirugwi asi kana dzava huku dzava kurara muzumbu. Vamwewo vanodaidza chirugwi chembudzi kuti gore.

Shumba dzinogara pagwindingwi kotiwo mapfeni kana kuti makudo anogara pachiro kana pachirau. Panorara tsuro panonzi panzvimbo kana kuti pagurunguto.

Imbwa dzinorara mugudzururu rehozi.

Vajana vemombe vanodzikokorodza kana ava masikati kuti dzimbozorora kufamba nekufura dzounganidzwa panonzi pamunhanga. Panourairwa mombe nezvimwe zvipfuyo zvekudya panonzi pamadhanga.

Pane nzvimbo dzinotsvagwa zvikuru navavhimi mumasango idzo dzinogara mhuka dzinodyiwa navanhu dzakafanana nenhoro nemapimha. Nzvimbo idzi dzinozivikanwa nekunzi mitanga.

VaShona vane nzvimbo dzavo dzavanonopira midzimu yavo nekuteurira panonzi parushanga. Madzimambo haavigwi panzvimbo imwe chete nevaranda vavo. Vanovigwa mumadzimbabwe kana kuti muninga. Rudhende rwese rwevanhu rwunovigwa muguva pachuru kana kuti mubwiro. Kana ari mwana mucheche anovigwa navakuru pasi pemukute kana mutsamvi kana kumahombekombe erwizi pane mahapa.

Vakomana vanorara mugota kana kuti muyawe vasikana vachirara munhanga. Vana baba nanamai vanorara musikiro.

Zvikomana nezvisikana zvinotamba kurwizi zvichituhwina muduhwino, mubhugujo kana kuti dhigidho. Vasikana nemadzimai vanowaridza zvikumba nemhasa vogara mumba yokubikira asi vakomana vanogara pachigaravakwati kana kuti chigaramakomucha.

Varume vakuru navakomana vabve zera vanogona kunogara padare vachidziya moto wehuni dzedeza vachirairana nyaya dzinobata hupenyu.

Huni dzikatemwa dzinoiswa pabakwa asi kana dzichiri kusango dzisati dzauiswa pamba dzinonzi dziri pachiuni. Ndiro dzikasukwa dzinonanikwa pachitata. Kana marara akatsvairwa mumba kana pachivanze anonorasirwa panzvimbo imwe chete inonzi durunhuru, zambarota kana kuti zarezare.

Tinotenga nyama musiraha tichipurira zvirimwa zvedu paruware kana kuti paburiro. Zvatinenge tapura zviya zvakafanana nezviyo, mapfunde kana mhunga tinozvichengetera muhozi kana mudura.

Chibage chinenge chafururwa asi chisati chatsvokonyorwa chinochengeterwa mundyanga kana kuti mungarani.

Matendere ehuku adzinokandirira mazai anogara muberevere memba.

Share This:

Sponsored Links