O-LEVEL — MANYAMBIRA: Bopoto repachipari

08 Jun, 2018 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza
SVONDO rino tinopedzisa mamwe madingindira makuru anobuda muna Manyambiri. Dingindira rerudo: Panowanikwa rudo rwakadzama pakati paNduramo naPaidokwairiramwoyo. Tinozviona Nduramo paanorambidza baba vake, Mambo Njeremavhu kuti vatande mhuri yaRufuse mudunhu ravo achiti zvaizokonzeresa kuti naiyewo atetereke.

Nduramo anorambidzazve baba vake kuti vauraye Paida sezvo zvaizoita kuti mudiwa wake Paido azviurayewo. Kune rimwe divi, tinoona Paida achizama chaizvo nepose paaigona kuti aroorwe naNduramo asi zvichiramba.

Dingindira rebarika: Rufuse akanga aine barika rinove raigara rakakonzera bongozozo kana kuti mheremhere pamusha pake. Tinoona kuti Shayamano naNyadziso anove madzimai madiki aRufuse akanga achivenga zvikuru vahosi, Ndakasemwa zvinove zvaiita kuti vagare vachipopotedzana uye kurwa.

Mambo Njeremavhu anonzi akanga ainewo madzimai akawanda aisanganisira vaBhavheya avo vakanga vazvarira mambo nevanji aizotora humambo pakufa kwavo.

Rimwe dingindira guru rinobuda murungano urwu nderekuchengetedza humambo. Mambo Njeremavhu vanonhenhaira zvikuru nechinangwa chekuti humambo hwavo husaparara. Tinonzwa kuti vakanga vaita madzimai aivazvarira vanasikana chete kusvikira vazotora vaBhavheya vakavapa mwanakomana, Nduramo.

Zvimwe chete zvinobuda apo vanenge vachifarira kuti Nduramo awane mudzimai wake uye agomuzvarirawo mwanakomana. Izvi zvaiita kuti vazofa vachiziva kuti nyangwe zvodini, dzinza ravo rehumambo haraizoparara.

Aya haasiriwo ega madingindira anowanikwa muna Manyambiri. Mamwe acho munogona kuzvitsvagirawo mega.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>