O-LEVEL — MUSEVE USINGAPOTSE/MAKUNUN’UNU MAODZAMWOYO: Zvidzidzo zviri murungano

19 Aug, 2016 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza
MUSEVE USINGAPOTSE
Zvidzidzo zvemhangwa (Toenderera mberi):
Ndakadzidza kuti mwana washe muranda kumwe. Chidzidzo ichi ndakachiwana kuna Karinge aive mwanakomana waMambo Chakaingesu asi akabatwa senhapwa mudunhu raMambo Tineshungu. Akakandwa naChivhere muchidziva chaigara garwe kuti arwisane naro. Chimwe chidzidzo chandakawana ndechekuti n’anga haizvirapi. Izvi zvinoonekwa pana Kandishaya aive n’anga ine mukurumbira chaizvo kwaMambo Chakaingesu asi akatadza kuzvitakanura nemakona ake paakanga ava kuuraiwa nemuseve naPondai, panguva inopambwa dunhu raMambo Chakaingesu nevarwi vaMambo Mupambi.

Imwe mhangwa yandakawana murungano urwu ndeyekuti ruchiva rwakaipa. Mhangwa iyi inojekeswa naMambo Mupambi vaive neruchiva rwepfuma nemadzimai zvinoita kuti vazobatsira Pondai kupamba umambo hwaMambo Chakaingesu mushure mekuvimbiswa kuti vaizopihwawo mombe zana nemhandara gumi. Izvi zvakazovauraisa nekuparadzisa dunhu ravo naKaringe.

Kubva murungano urwu ndave kuziva kuti zino irema rinosekerera newarisingadi. Ndakazviwana pana Pondai ainyepera kufarira Mambo Chakaingesu nekuvabatira haka paanenge achibva kwaMambo Mupambi asi achiziva zvake kuti aida kuvaparadza osara achipamba umambo hwavo.

Tinoenderera mberi svondo rinouya.

Zvinyorwa izvi zviri mubhuku Rakanzi Ongororo yeNhetembo neMabhuku Shona O-Level.

MAKUNUN’UNU MAODZAMWOYO
Gadziriro yebvunzo:
1. Musoro wekuti Makunun’unu Maodzamwoyo unowirirana zvakadii nezviitiko zviri munyaya iyi? Tsigira mhinduro yako nezviitiko zvisere. [25]

Mubvunzo uri kuda kuti munyurure zvinhu zvinoitwa nevatambi zvinopindirana nemusoro webhuku nekutsigira semabudiro azvo munyaya. Chiitiko ndizvo zvinhu zvinenge zvakatoitwa nevatambi kwete unhu hwavo.

Chekutanga, kana muchipindura mubvunzo unoenderana nemusoro webhuku munotanga nekuutsanangura zvaunoreva sekunzwisisa kwenyu asi musingashandise tsumo, madimikira nekudzokorora mazwi ari pamusoro webhuku. Zvimwe zvingashandiswe pakupindura mubvunzo uyu; kutukwa kwaMonika namai vake VaChingweru kunzi muromo unenge bapu riri papfihwa, kutukwa kwaVaChingweru naVaMushayazano vachinzi dhumukwa, muroyi akadya amai, kutukwa kunoitwa Tendai naVaChingweru achinzi ipfambi, VaMushayazano vanoudza Monika mwana wavo kuti aida kuvaroya akabatana namai vake, mashoko ekuti Monika haaizowana mumwe murume akaita saMujubheki aanoudzwa namai vake anomubaya mwoyo chose, Timoti anoudzwa maodzamwoyo naMonika paanonzwa achiti akanga abvisa pamuviri paMujubheki.

2. Ndeapi madingindira masere ari kuburitswa muna Makunun’unu Maodzamwoyo? Tsigira semabudiro awo. [25]

Chinonzi dingindira ipfungwa huru dzinenge dzichiedza kuburitswa nemunyori munyaya. Kazhinji tikabvisa pfungwa idzi, nyaya inogona kubva yatadza kuenda mberi. Madingindira angangosarudzwa nevadzidzi munyaya iyi ndeaya; chitendero chechiKristu, kuzvarira vana, kushaya ruremekedzo, ruchiva, rufu, ukama, rudo, bopoto, urwere.

Kana wadoma dingindira unosungirwa kuritsigira nezviitiko zvinowanikwa mubhuku. Zviitiko izvi tikazvibvisa, nyaya inogona kusaenderera mberi, semuenzaniso padingindira rerudo tikabvisa chiitiko chekuti Monika anoramba Mujubheki achida Timoti nyaya inogona kusaenda kumberi.

3. Tsanangura zvinhu zvisere zvinoitwa naMonika muna Makunun’unu Maodzamwoyo zvinoratidza kuti aisada zvekuroorwa naMujubheki. [25]

Mubvunzo uri kuda kuti muburitse zvinhu zvisere (8) zvinoitwa naMonika zvinoratidza kuti haaida Mujubheki. Tangai kunyurura zvaanoita mopa tsigiro.

Zvimwe zvingapihwe nevadzidzi; kudanana kwaanoita naTimoti, kukoka Timoti kuti azoona kumba kwavo, kunyepera amai vake kuti aienda kumba kwatete vake achienda kuChivhu kwaTendai, kuudza amai vake pfocho, kuramba kuona Mujubheki, kurwadziwa nerufu rwaTimoti, kuudza Mujubheki kuti haamudi, kutiza pamusha achienda kuHarare.

Mhinduro dzemibvunzo iyi dzizere dziri mubhuku rinonzi Mhinduro Yeuvaranomwe Mabhuku neNhetembo: Shona O-Level (Revised Edition).

[email protected]

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>