O-LEVEL — NDIKO KUSASANA: Sekai ava kuziva zvakasara zvichiita Mugadzi iye asipo

09 Oct, 2015 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Ticha Tichaziva
(CHITSAUKO 5 (Nyaya yacho: Enderero mberi)
Mai Chipunza vanoti Sekai atsvage pfambi yacho airove ipfidze, Sekai ndokuti kungave kupedza nguva yake, aida kuratidza Mugadzi kuti haatombomunyengereri uyewo aive asinganobvunzi Mugadzi. Sekai anozoenda kumba kunogadzirira vana zvekudya shungu dzakamumona, pfungwa zhinji dzichimushanyira oshaya kuti otora nzira ipi yokukaurisa murume nayo.
Anozofunga nezvezano rake naFadza.

Vana apo vanodzokera kuchikoro, Sekai anobva azvikanda pamubhedha ndokurara asi anopindwa nepfungwa yokuti pamubhedha apa paiitirwa zvinhu zvisingamufadzi ndokudemba kuti dai Robby akafunga zvekumushanyira agotsivawo.

Panosvika Mugadzi manheru, hapana nechaari kufungira kuti zvose zvaakaswera achiita zvaive zvava kuzivikanwa naSekai.
Mugadzi achiri kufunga zvaakaswera achiita neMugovera ndokutanga kuona Sekai sechembere yapera basa kunyangwe zvazvo mudzimai uyu ainge achazvinzwa.

Vari kutarisa chivhitivhiti, Sekai anoda kuratidza murume kuti zvaive zvaitika aizviziva.
Anotanga kutamba naCharles pamakumbo pake achimubvunza kuti mai zvavakanga vasipo aiti varipi, akaswera achiita chii, sadza vakabikirwa nani, Mugadzi achinzwa zvake mibvunzo yose iyi ndokuita kunge pasina chaari kunzwa. Sekai anozomubvunza kuti ko magweta ake akazouya here iye ndokuti akavaudza kuti vakazokonana.

Sekai anomubvunzazve kuti haachatengi here kagirosa kacho iye ndokuti achatenga, ainge ataurira muridzi kuti atange apedza chikwereti nokuti vanhu vemutero vaizomunetsa kana akatora asina kupedza kubhadhara, muridzi akati aikwanisa kupedza pamwedzi mitatu yaitevera.
Sekai anonyatsoziva zvake kuti dzose idzi dzaive nhema, ndokubva zvake anyarara achitya kutangana nezvaimushatirisa.

Mugadzi anobva asimuka kuenda kumba yekurara, Sekai ndokuziva kuti murume ainge anyumwa ndokutsidza nechemumwoyo kuti vachasvitsana mhiri kwerwizi.

Sekai ainge ava nerakewo zano rekukaurisa Mugadzi. Usiku uhwu vaviri ava vanononoka kubatwa nehope, kana kumbogunzvana zvavo.
Mangwana acho vanomuka vasingataudzani Mugadzi achizvishora kuti ainge achadeyi pane chembere yakaita saSekai iko kunze kuine vaitemwa dzaibuda ropa saLilly.

Vana vaenda kuchikoro, Sekai anosara achironga rwendo rwekunoona Fadza kuZengeza uyo anosvikorondedzera zvakaitwa naMugadzi.
Sekai anobvunza Fadza kuti zvino oita sei ndokumupa mazano ekuti anofanira kutora mari musi uyo Mugadzi anenge akararadza, ngaapengesane naRobby.

Sekai achiona Fadza achibuda mumba maigara hwahwa, anoti anoda kunwawo hwahwa, Fadza ndokutya kuti angazokanganisa zano ravo. Sekai anotanga kunwa hushoma asi anozopedzisira anwa mapaindi matatu.
Vava kuparadzana, Fadza anomuyambira kuti anonozvibata asazoratidza kuti aive ambonwa hwahwa.

Anotaurira vana vake kuti ainge aenda kwamainini kuMufakose.

(Enderero mberi svondo rinouya.)

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>