O-LEVEL — NDINOFA NDAEDZA: Revai namambo vanomukira kuenda kuninga

12 Sep, 2014 - 09:09 0 Views

Kwayedza

CHITSAUKO 8 (Nyaya yacho: Enderero mberi)
Revai namambo vanomukira mangwanani vakananga kumapinga. Pavanosvika kunze kunenge kwachena zvekuti vaitokwanisa kuona zviri chinhambwe. Revai anobvunza kuti chii chaaiona mberi chainge munhu ndokuyambirwa kuti zvaanenge aona musango asangopwishuka kutaura nekuti anogona kusara musango imomo.

Pavanosvika pamuuyu unoera, mambo Machingauta vanouchira vachidetembera vadzimu vavo.

Vari kuombera kudaro zimuti rinozunguzuka nemhepo ndokubva pazaruka chimusuwo. Revai ndokuona inga imba chaiyo yakanyatsochengetedzwa. Anoona katemo nemupinyi wakanyatsotsvedzerwa, gano, tsvimbo, nhoo yedehwe rembada, ngundu yakanakisisa nenhava yakange izere nezvinhu zvakaita semakona, nemishonga yaisanganisa wekuvhimisa wainzi hombarume, newekubatisa hove wainzi mutasva.

Vapedza kuona izvi vose vanoombera. Zvinosara zvichiitika hapana anoziva, chakaonekwa musuwo pakange pasisina mushure mechamupupuri chakazunguza miti nekajokocha mubinga imomo.

Vanochinanga kubinga guru uko Ishe Machingauta vanotangazve kuuchira vachidetemba kuvakuru vavo.

Vanopinda mukati mebako umo maiva nezvitombo zvekuti ishe vanombonetseka kufamba kusvika muninga, umo maive nedziro raive nezvituru nezvitura zvaive nerima mukati musingaonekwi.

Maive neugwejegweje hwamadzitateguru ava pakati peninga vanoona chigwenga chaiva nevhu remufudze apo paive nerinda ratateguru vavo vakatanga kutonga.

Vanozobuda mubako ndokumira vave kunze kwebinga vachitenda vadzimu vavo. Ishe vanokudza madzitateguru avo vachidetemba vose ndokuombera zvinoenderana.

ONGORORO:
Mumapeji gumi echitsauko ichi munobuda zvakati wandei. Tinotanga kusangana nemunyori achipa pfugwa dzake maererano nepfungwa dzatinova nadzo pamusana pekuitika kwezvinhu (writer speaking).

Mumwe musambo wakada kufanana neuyu tinouona paPeji 82 apo Revai anenge achizeya mupfungwa make achitaura zvaari kufunga (internal monologue). Ndimi yacho ndiyo yemombe yetatu.

Kudetemberwa kunoitwa naIshe Machingauta hakuna zvirungamutauro zvatinonyatsa kuona asi mutauro wacho wakati twasa usingavhiringidzi muverengi asi uchitsvitsa nhunha dzanyakudetemba kwazvakarehwa. Mitsetse mizhinji yacho inoonekwa kuti ine mazwi akati kuti, dzimwe nguva uchingove izwi rimwe chete somuenzaniso “Mutenure” (84) kana maviri, “Tinotenda Simbirori” (85), “Hekani Mushiri” (86).

Tinoona kuti kupira vadzimu hakungobvi kwanangwa iye mudzimu mukuru asi zvinoitwa sekunge kupoterera asi uchikwira gomo sezvinoitwa naIshe Machingauta apo vanoti:

“Tatenguru “aMupanemberi, jinda ra’aTakunda pirai kuna baba vangu vagopirawo kuna ‘aNdari aNdari vatipirewo muteuro uyu kuna baba vavo . . .” (84)

Tinonyeurirwa nezvemusoro webhuku iri.

(Enderero mberi svondo rinouya.)

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>