O-LEVEL — NDINOFA NDAEDZA: Revai nevamwe vake vanotiza

31 Jul, 2014 - 08:07 0 Views

Kwayedza

Ticha Tichaziva
CHITSAUKO 6 (Nyaya yacho: Enderero mberi)
Paanonzwa mheremhere yaitika, Chigange anomhanyira kunobatsira Pondai pakarovanwa zvibhakera zvaipfuura moto.
Kunozouya mumwewo ane tyava kwava kurova ani nani zvake aivewo mukurwa uku, bongozozo ndokupera asi shungu dzaana Chigange naPondai dzainge dzisina kuzadziswa. Zvakazonzi naishe vose vakanga varwa vaizofanirwa kutongwa kwaChiremba remangwana racho. Chigange anozoenda kuna Revai kunomuudza kuti vainge vanyatsokurira varwi vamambo, Revai ndokutsigira zvaitaurwa vachitaurira pasi pasi maererano nezvavaironga.

Chigange anozoguma otaura dzimwewo nyaya dzekutandadzana vakavarairwa kudaro pamusiwo ndokunzikwa kugogodzwa.

Uyu ndiPondai asvika. Revai anozorovera mwoyo padombo kwava kutumbura nyaya chikave chizevezeve. Pondai ndokudurawo zvaive muhana make achitaura kuti chinopa kuti mumwe murume azozviona kunge akakosha kupfuura vamwe chii chaizvo ndokubvunza kuti pane zvavainge varonga here vaone kuti vangazvifambisa sei.

Pondai zano chairo haana asi Chigange anofadzwa nekuti vaive nepfungwa dzinowirirana. Chigange anosimbisisa yokuti vanyatsoronga asi vasanonokera zvinhu. Mhosho iri pakuronga kwavo ndeyekuti vangadai vasina kuronga zvine kudeuka ropa.

Usiku hwarongwa tsoro nevatatu ava, mambo nemudzimai wake vachakatandara, mambo achimuudza nezveshura rehangaiwa dzavo musi iwoyo izvo zvinoita kuti vashaye hope. Revai nevamwe vake vanobuda mumba Revai atosunungurwa kare kwava kuita zvekunyangira vachisunga mikova. Vanosvika pashe ndokunzwa zevezeve mukati vakabva vanyumwa kuti vakange vasati varara.

Vanogumisira nemba yaMazvikokota kwava kutangisa kutungidza dzimba nepamusiwo. Ishe anobongomora mhere isina anonzwa munhu mukuru ndokutanga kudetembera kuvadzimu vake. Ishe anobva ava nechokwadi chekuti Revai aive mharadzi.

Vana Pondai vanosiya vazadzisa zvido zvavo ndokutiza vakananga kwaMutenure. Ishe Dendera anosara achiunganidza mauto ake ndokuronga hondo nekukurumidza kuti varonde Revai wavaiti ndiye mharadzi yainge yapunza musha wavo vachifunga kuti Pondai naChigange vainge vafa nekuti imba yemusungwa yakapiswawo pamwe chete nedzimwe. Hameno kuti vabereki vavo vakazviziva sei kuti vakanga vasina kufa asi kuti vakange vatiza.

Chinoshamisa Revai ndechekuti hana yake haigadzikane mushure mekupukunyuka ndokutaurira vamwe vake kuti pavainge vari hapana kunaka. Ainge afunga zvekuti vagarire kure nemupata wavaive vari. Pondai anomboda kuita nharo asi Chigange anotsigira zano iri. Vanoti karamata kukwira chikomo ndokunogara pazvitombo. Nguva iyi mwedzi weMbudzi wainge wafa zvekuti rima raiveko rainge rapamhidzirwa nemakore emvura yaida kunaya. Vana Revai vanoshamisika pavanonzwa shiri inonzi hurekure ichichema seyavhundutswa. Pachivanhu chedu zvainzi nevakuru kana uchifamba usiku, ukanzwa shiri iyi ichichema mberi kwako, iyambiro yekuti kune chakaipa.

Mushure mekanguva kunonzwikwa kuchema kwembira yemugomo yainge yavhundutswa nevarwi vaShe Dendera vachitungamirwa naChiremba gurukota guru ramambo. Varwi vaishe ava sezvo vainge varasikirwa neshasha dzemuhondo, Pondai naChigange, vaingoitira izvi kufadza ishe wavo. Chiremba anodzikamisa hana dzavarwi ndokuvataurira zvekuti vanobva vatendeuka.

(Enderero mberi svondo rinouya.)

Share This:

Sponsored Links