O-LEVEL — NDINOFA NDAEDZA: Vana Revai vanosvika kwaMachingauta

21 Aug, 2014 - 00:08 0 Views

Kwayedza

CHITSAUKO 6 (Ongororo: Enderero mberi)
Chiremba anoona kuti vakanganisa zvikuru zvichazovapinza munataisireva nekuronda kwavaita Revai saka achidimikira achiti, “Kurumwa nechekuchera ndiko kwandaona nhasi.” Matsanangurirwo anoitwa mvura ichanaya anodimikirwa zvinofadza. Tinotanga kunzwa kuti zuva rainge rapfigwa “mukati memapapiro emakore matema tema aive achikura akananga kumavirirazuva” (68) izvo zvakaita kuti Revai azive kuti nenguva isipi kuchanaya mapopopo emvura.

Vakuru vedu vakati “mvura yehore kana kuti yembambara, tiza ichiri kure” nekudaro Revai anokurudzira vamwe vake kuti vafambe nekukurumidza kuti vasvike pane musha nekuti vakarega kudai vangazvikanganisira zvikuru kana kuti “tinoigochera pautsi” (69). Yambiro inopihwa naRevai yataurwa nemazvo, ndokusaka Chigange achidimikira achiti, “Ndiko kunonzi kubaya gudo nemukanwa chaiko . . .” (69). Zvaanozotaura kutsigira yambiro iyi zvinoitwa nekudimikira kune mutinhimira. Anoti, “Handei, varume hodobori dzekumatendere dzisati dzakanda hakata tikawanikwa” (69).

CHITSAUKO 7 (Nyaya yacho)
Varume vatatu ava vanofamba vachikanda tsoka pasina ari kunyatsa kuziva kuti mberi kuri kuendwa chii chaicho chaizoitika. Revai anoedza kuparura vimbiso yaainge apa vaviri ava yekuti vaizove magamba kuitira kuti aedze kurerutsa rwendo. Pondai anoedza kusimudzira moyo waRevai uyo wainge woratidza kuora izvo zvinopinza nguva yekufara mumoyo wemuchinda uyu zvekuti anozongoerekana ava kuda kudhumira pamuti Pondai ndokubva amubvunza achishamisika.

Revai anoti ainge atoyeverwa zvake nekarwiyo kaiimbwa neshiri yaive mumuti achida kuvanza zvaaifunga achiti ane mumwe mukomana waaiwirirana naye uyo aifarira kuimba kwaiita shiri iyi. Anoti mukomana uyu ainzi Tafirei.

Zvavari kutaura zvinozodimurwa pavanoita mahwekwe nemumwe mukadzi aichera mvura mukakova kavakapinda voda kuyambuka.

Revai anomubvunza kunonzi kwaMutenure, kwaShe Machingauta mukadzi uyu ndokupindura achiti ndipo pavava kutosvika pamukwidzwa waive pamberi pavo. Anoti anovasvitsa kumuzinda wamambo vaone kutaurirana ikoko.

Musha waMambo Machingauta ndewehurudza dzega, zvekuti kana chave chirimo, vakange vasingavaki matanga nezvirugwi zvezvipfuwo izvo zvaingogara kunze kwemusha. Kana dziri huku idzi, hazvaitaurwa. Gomo guru raizivikanwa munyika iyi rainzi Mutenure iro raishamisa zvikuru. Vanhu vazhinji verudzi rwaShe Machingauta vaienda mujinga megomo iri kunoteurira mvura vachipira zviyo kana mvura yoda kunaya. Michero yemizhanje yainge yakawanda zvekuti makudo nezvimwe zvipuka zvesango zvaingozvibatsira zvichisiya zvakadaro. Mumachiri umu maiera chaizvo. Pakati-kati pemusha paive nezimusasa ziguru kwazvo, apo paive nemusha wamambo. Vanhu vazhinji vanoshamisika kuona vakomana vatatu vachitungamirirwa kuenda kumba kwashe. Vapinzwa mainge mugere Changamire Machingauta, Revai anoombera achitaura kwavari achikwazisana navo. Mushure mekukwazisana, mambo anovabvunza kuti vabva kupi sezvo ainge asina kuziva kuti ndivana ani. Revai anotaura zita rake, dangwe raTiritose izvo zvinoita kuti mambo akanuke achiona mwana wemwana wake Tiritose.

Madzimai ashe maviri anoungana kwava kuita muonera pamwe, Revai nashe vachimbundirana. Mambo anozotaurirwa naRevai kuti vamwe vaainge ainavo ndivana ani nenhamo yavainge vaona. Paanotaura nezvekufa kwaTiritose misodzi yashe inoonekwa ichiti mokoto mokoto kuchema nekudemba pamusoro perufu rwemwana wavo nemuroora.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>