O-LEVEL — NDINOFA NDAEDZA: Varwi vaRevai vanokurira Chokupamba

21 Nov, 2014 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Ticha Tichaziva
CHITSAUKO 11 (Nyaya yacho: Enderero mberi)
Ishe Chokupamba anozoedza kuvashingisa kuti pawane angashinge kuuya kumberi asi hapana anoda kufira isi yake nekudziirira maguta amambo. Chigange anotanga kupopotera Ishe Chokupamba uyo anobva aona kuti chake hapachina. Pondai anobva abhururuka kuti anobaya Chokupamba nepfumo asi Chigange anochimbidza kumugamha neruwoko, munhu ndiye dzikiti kumira. Varwi vaChokupamba vanoita sevari kudzokera shure sevanonzvenga pfumo iro risina kukandwa naPondai.

Chokupamba anodedera ndokupfugama pasi nemabvi ndokuti anoda kutsanangura zvakaitika. Anoti pane zvipfuwo zvakasiiwa nemushakabvu Tiritose, hapana achaziva kuti mombe, mbudzi kana hwai ingani nekudaro achavapa zvinoenderana nezvaanofunga kuti ndizvo zvakasiiwa nemushakabvu. Chigange anoshatirwa zvikuru nekuita kwakadai ndokukuzira mauto ake kuti arwise Chokupamba nevanhu vake vose pamwe chete ndokubva vaita saizvozvo.

Chokupamba anoverera nemukati memauto ake asisazivi kwekuenda kana chekuita. Vanotizira musango rumwe ruchisiya mapfumo mumashure. Chokupamba anomboti pano pano kuedza kunyangarika asi nekukwegura anozowira muchikwenzi. Chigange anoshevedzera varwi vake kuti vasamuuraye ndokubva vangomubata ari mupenyu.

Hapana kana nemurwi waChokupamba anomboedza kukandawo pfumo kune varwi vaChigange. Chokupamba anoenda nevarwi vaChigange kumatanga kune zvipfuyo zvose mauto aChigange ndokungotinha zvose zviripo.

Chokupamba anozoregedzwa kwava kunanga kune dzimhuri dzevanhu vake kuti anodziudza zvainge zvaitika, vana Chigange vachitinha mazangwandira ezvipfuwo vakananga kumusha kwavo.

VanaChigange pavanodzoka vakunda pasina mumwe wavo akange akuvara vanoputisa nyaya dzemafambiro nemakundiro avo asi Choruma haasi kufara nekuti mashiripiti ake akange atadzisa muvengi kukanda mapfumo pasi. Pondai ane pfungwa dzekuti manheru acho vachadyeiko Chigange ndokuti zviri nyore izvi, vachauraya mombe imwe chete yakakora vonyatsogocha chiropa. Anoda kuti Pondai agadzire matumbu ndiwo aanofarira zvikuru.

Choruma anoratidza kurivara asi Chigange anoti vanofanira kugara vakangwarira kuuya kwemuvengi. Kunyange zvazvo vakunda Chokupamba vanofanira kugara vakangwarira. Choruma anombofunga zvekupinza nyaya yake yekuti vamwe vake vakange vamuonawo sei paakaratidzira zvidaudau zvake asi imwe pfungwa inomushora kuti rega vachataura vega.

Kuno kuMutenure, Ishe Machingauta vava kutanga kugunun’una kuna Revai kuti vanhu vaizochema naye kana vana vavo vakatadza kudzoka vari vapenyu asi Revai anoti sekuru vasatya zvavo kunyangwe kune vanhu vakaita savana Mupumhadova vari kuparadzira guhwa rekuti vese varwi vaRevai vakafa.

Revai anofunga zvekuti vamboshevedza svikiro kuti vanzwe kana varwi vari mugwara rakanaka maererano naMupumhadova. Revai anofunga zvekunomubvunza asi Mambo Machingauta havabvumirani nazvo vachiti kurwisa hakusiriko kutonga. Vanomupa tsvimbo yekuti atongese nayo vachitsindidza kuti havazoda kunzwa achiti anoda kurwisa ani naani zvake ari pasi pake mumusha mavari. Kana munhu achinge atadza kumuteerera, anomuisa kumauto ake orangwa ikoko.

Revai anodavira ishe achiti haacharwisi Mupumhadova kwete, vanotii nenyaya yaakataura yesvikiro ravo? Mambo anoti vatete vake ava vanosvika vega vachitaura zvinenge zvichiitika. Mumusha umu nyaya yekunonoka kudzokera kwevarwi ava yava kushaisa mufaro.
Nerimwe zuva mangwanani Revai naishe vachingonokurukura kudaro, vanonzwa mhururu nechekunze kwemusha. Mhururu idzi ndedzemadzimai aimhanyidzana kunogashira vana vavo apo vakavaona vosvika negurusvusvu rezvipfuwo, vanhu vose vomumusha ndokukoromoka kumhanyidzana kunoona chishamiso ichi.

Chigange anosvikopira nyaya yose yemafambiro avakaita kune mukuru wavo Revai uyo asisagoni nekunyemwerera, wanikei ongombundirana nevarwi vake vachikwazisana murufaro.

Enderero mberi svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links