O-LEVEL SHONA: Zvinorehwa nemusoro Museve Usingapotse

12 Feb, 2016 - 00:02 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza
Museve usingapotse
Museve Usingapotse ndiro bhuku ratichatanga kuongorora muchikamu chino. Bhuku iri rakanyorwa naCrymio Kutyauripo akaberekwa kuGuruve mudunhu raShe Chipuriro mugore ra1978. Akadzidza paMushoshoma Secondary School. Zvekunyora akazvitanga ari mufomu yechipiri. Shuviro yake ndeyekunyora mabhuku euvaranomwe hwechinyakare nehwemazuva ano. Rino ndiro bhuku rake rekutanga. Pari zvino, ari kushanda pakambani yeRayton Logitsics.

Bhuku iri rakatsikiswa mugore ra2014 nekambani yeCollege Press.

Musoro webhuku

Kupindirana kwemusoro webhuku wekuti Museve Usingapotse nerungano:

Chekutanga kana tichitsanangura zvinorehwa nemusoro webhuku tinofanira kutanga taburitsa kuti iwo pachawo unorevei. Izvi zvinoitwa usingashandise tsumo, madimikira, nyaudzosingwi, mazita evatambi nezvinhu zvinobva mubhuku kana kudzokorodza mashoko acho ari pamusoro werungano.

Museve usingapotse zvinoreva museve chaiwo unoita zvinenge zvichidiwa nemukandi wawo, kungave kuuraya kana kuvhundutsa mhuka nevanhu. Museve ukaita zvinenge zvichidikanwa nemukandi wawo tinoti haupotse nekuti unenge wazadzisa chishuwo chemukandi.

Musoro werungano wekuti Museve Usingapotse unotsigirwa nezvinhu zvinotevera:

Kuuraiwa kwerovambira naMarizani paanenge ari musango naKunjerekunjere vave kudzokera kumusha kwavo kwaMambo Mupambi vachibva kunosora dunhu raMambo Chakaingesu. Marizani anouraya nyoka inonzi rovambira yakanga yaruma Kunjerekunjere achibva afa mushure mekunge varara mubako mayo. Anokunga museve achishuva kuti asaipotsa nekuti yaizomuuraya achibva angoibaya nepaziso ndokuzoipedzisa nemumwe wepiri wakaibvarura padumbu.

Kuuraiwa kwaMarizani nemuseve naMambo Chakaingesu. Tinozviona Mambo Chakaingesu pavanobuda muninga yairadzikwa madzimambo avo vachinorwisana nevarwi vehondo yaMambo Mupambi vakanga vakokwa naPondai kuti vazovapamba ndokusvika vachibaya Marizani nemuseve kugotsi kamwe chete achibva afa. Izvi zvinoratidza kuti museve haupotse nekuti wakangoita zvaidikanwa naMambo Chakaingesu mukandi wawo.

Kuti Museve Usingapotse kunotsigirwa nekuuraiwa kwaGutsa nemuseve naMambo Chakaingesu. Izvi tinozviona panobuda Mambo Chakaingesu muninga yairadzikwa madzimambo avo vachirwisana nevarwi vehondo yaMambo Mupambi vaida kupamba dunhu ravo, pavanoona kuti Marizani afa, vanobva vapotsera mumwe museve zvine simba kuna Gutsa ndokumubaya uchibuda nekuseri kwemutsipa achibva afa.

Musoro werungano unotsigirwa nekuuraiwa kwaMambo Chakaingesu naPondai. Zvinojekeswa Mambo Chakaingesu pavanobva kuninga vachimhanyira kumuzinda wavo kunorwisana nevarwi vaMambo Mupambi vakanga vachida kupamba musha wavo. Vanosangana naPondai jinda ravo guru pamuzinda ndokutanga kufara vachifunga kuti vawana mubatsiri asi anovafuta ndokuvabaya nemuseve pabendekete nemimwe gumi vachibva vafa. Izvi zvinozadzisa chishuwo chaPondai chekupamba umambo hwavo.

Kuti Museve Usingapotse kunozadziswa nekuuraiwa kwembada nemuseve naKaringe. Zvinobuda paanenge ari musango neshamwari dzake achivhima. Zuva ravanotadza kuvhima zvakanaka anotanga kutenderera pachikomo chaive pedyo nemusasa wavo ndokusangana nembada yaive yakutomusvetukira ichida kumuuraya.

Share This:

Sponsored Links