Oita nhetemwa nekurohwa

07 Feb, 2020 - 00:02 0 Views

Kwayedza

Nyasha Bvudzijena

MUDZIMAI wemuHarare anoti ave nedambudziko rekugara achibvunda muviri wake wose — nhetemwa — kunyanya maoko uye kungovhunduka-vhunduka mushure mekugara achirohwa kwemakore akawanda nemurume wake.

Peggy Chikore akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court apo akamhan’arira Tinarwo Manyango achida gwaro redziviriro.

Chikore anoti akaita vana vatatu nemurume wake asi mukunetsana kwavanoita nguva dzose, zvinoratidza kuti haagutsikane kuti vana ava ndevake.

“Baba ava imhondi, vanorova zvekuda kuuraya chaiko zvekuti ndave nedambudziko renhetemwa uye kutya nenyaya yekugara ndichirohwa. Anoti vana havasi vake asi haandipe umboo,” anodaro Chikore.

Anoti murume wake ane shanje uye godo sezvo asingamupe mukana wekutsvaga basa kana kumutendera kuitawo mamwe mabasa emaoko anounza mari.

“Ndinorambidzwa kutsvaga basa kana kuitawo mibato yemaoko, anoti zvinoitwa nepfambi asi mari yake asingade kuti ndibate kana sendi,” anodaro.

Manyango anoti haakwanise kupindura zvose zvaari kupomerwa uye anokumbira dare mazuva mashoma ekunotsvaga gweta rinozomumira pakutongwa kwenyaya iyi.

Mutongi Tilda Mazhande anotambira chikumbiro chaManyango ndokumupa nguva yekuti anotsvaga gweta rinomumirira nekudaro ichazoenderera mberi nekutongwa.

Share This:

Sponsored Links