Omanikidzwa bonde nemukadzi waakaramba

08 Oct, 2021 - 16:10 0 Views
Omanikidzwa bonde nemukadzi waakaramba

Kwayedza

Hazel Marimbidza

MURUME wekuBulawayo ari kuchema-chema mudare reko achikumbira gwaro redziviro kubva kune aimbova shamwarikadzi yake uyo waanoti ari kumumanikidza kuita bonde.

Daniel Mxoza wekuEntumbane anoti ari kuoneswa pfumvu naSicelesile Ndlovu, uyo ari kumushungurudza pabonde.
Mumagwaro ake ari mudare reWetsern Commonage Court, Mxoza anoti, “Ndaneta nekumanikidzwa bonde neaimbova shamwarikadzi yangu. Anondimanikidza kuita bonde naye asi iye aine shamwarirume dzakawanda uye dzimwe dzacho ndakatombovabatikidza vari vose pamba pake.”

Mxoza anoti Ndlovu anouya zvakare kubasa kwake asina kuwirirana naye otanga kuita mhirizhonga.
“Anondikanganisa kushanda basa zvakanaka nekuti anouya asina kushevedzwa osvikoita mhirizhonga. Anondityisidzira zvakare nezvombo zvinokuvadza,” anodaro Mxoza.

Anoti Ndlovu anomumanikidza zvakare kuti amutengere girosari nekubhadhara mutero wemba nezvimwe.
“Nekuda kwezvaanoita kwandiri, handisi kunzwa zvakanaka. Maitiro ake anondishungurudza zvakanyanya. Ndine chirwere cheBp, shuga uye dzimwe nguva ndakazomboona ndave nenjovhera,” anodaro Mxoza.

Ndlovu haana kumbobvira apikisana nezvaitaurwa izvi.
Mutongi Jeconia Prince Ncube vakapa Mxoza gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links