Opikira kuba chimodho

27 Sep, 2019 - 00:09 0 Views
Opikira kuba chimodho

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MURUME wekuba jumba remakii epachikoro cheZengeza 2 High, kuChitungwiza, ndokunobazve chingwa chechimodho icho chaive mubhegi remumwe wevashandi wepo nefiriziti akaudza dare redzimhosva kuti nzara ndiyo yakamutuma kuita izvi.

Mutongi Tendai Muzondo weChitungwiza Magistrates’ Courts akapa Godswill Chaipachi Masona (29) wepanhamba 1511 St Mary’s, kuChitungwiza kwekare, chirango chekugara mujeri kwemwedzi 12.

Mutongi Muzondo akazomubvisira mwedzi mitanhatu pachirango ichi nechitsidzo chekuti haafanire kukoromora imwezve mhosva yerudzi urwu mukati memakore mashanu anotevera.

Akaenderera mberi nekumubvisira mwedzi mitanhatu yainge yasara nechitsidzo chekuti Masona anofanira kunofondoka kwemaawa 210 paSt Mary’s Clinic.

Muchuchisi Norman Koropi akaudza dare kuti nemusi wa6 Gunyana gore rino paZengeza 2 High, Masona akaba chijumba chemakii anokwana 86 anokosha $300.

Makii aya aifanira kunge ari mumaoko emurindi wepachikoro ichi Muzorori Tsvangirai (46) wepanhamba 13575 Chaminuka Zengeza 2, kuChitungwiza ikoko.

Muchuchisi Koropi anoti izvi zvakaitika munguva dzemasikati apo Masona akadarika mudhuri wechikoro achibva anopinda muimba yemapuranga yepo iyo yainge yakakiiwa ndokuba makii ainge akaputirwa nebepa rechikweshe.

Akabva asecha bhegi remumwe wevashandi vepo anonzi Amai Tinarwo ndokuba chingwa chechimodho icho akazoonekwa ava kudya akagara mutende repo.

Mumwe mushandi vepachikoro apa akamuona akachibva audza murindi kuti amuburitse kunze kwegedhi rechikoro.

Pazuva rimwe chete iri, Tsvangirai akapedza basa rake saka akanga ava kuda kukiya chibhorani chepachikoro, genareta nemakirasi apo akaona kuti makii akanga asisipo achibva afunga nezvemurume wekupaza imba yemapuranga munova munochengeterwa makii aya.

Nomusi wa16 Gunyana gore rino, Masona akasvika zvakare pachikoro ichi achiti aida kutarisa magwaro ake eO-Level panova paakaonekwa naTsvangirai achibva amurangarira ndokubva anomumhan’arira kumapurisa zvikaita kuti asungwe.

Makii aya aikosha $300 aye akawanikwa kumba kwaamabuya vake kuManyame uko akanga akaachengetesa.

“Mhosva yekuba svumbunuro (makii) dzavo ndinoibvuma asi ndakamadzosa. Hapana chimwe chinhu chandakazoba kunze kwechimodho nefiriziti zvavakatoona ndichidya nekuti ndaitova nenzara.

“Ndine mudzimai nevana vaviri vose vanogara kuSouth Africa uye handina mari kana pfuma inokosha nekuti mari yangu ndakasiira mukadzi kuSouth Africa,” anodaro Masona achiita kunge munhu akadhakwa apo aida kuti dare rimunzwire tsitsi.

Share This:

Sponsored Links