Otongerwa kupumha muvakidzani huroyi

16 Jun, 2017 - 00:06 0 Views
Otongerwa  kupumha  muvakidzani huroyi

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
CHEMBERE yekuChitungwiza yakamiswa mudare redzimhosva reko ichipomerwa mhosva yekunanga muvakidzani wayo huroyi ichiti akadya vanasikana vayo vaviri, uye pari zvino ave kuda kudyazve iye.

Mutongi weChitungwiza Magistrate’s Courts, Yeukai Chigodora, akati Eustina Muswe (72) wepanhamba 18190 Unit L adzoke kudare apo kutongwa kwenyaya iyi kuri kuenderera mberi.

Muchuchisi Farai Katonha akaudza dare kuti nomusi wa7 Kubvumbi gore rino munguva yehusiku, mumhan’ari Eunice Kadango (57) wepanhamba 18191 Unit L akange ari pamba pake apo Muswe aive pamba pakewo achifamba-famba pachivanze.

Muswe anonzi akabva atanga kutukirira Kadango achimuti muroyi uye akadya vana vake vaviri vanova vakashaya makore adarika nokudaro akange ave kuda kumudya iye. Muswe anonzi akati kuna Kadango, “Uri muroyi, wakadya vanasikana vangu iko zvino wave kuda kudya ini.”

Muswe ari kurambisisa mhosva yaari kupomerwa yekupumha munhu huroyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>