Panganai mazano: Seed Co

13 May, 2016 - 00:05 0 Views
Panganai mazano: Seed Co

Kwayedza

CHAMANGWIZA wekambani huru pakuuchika mbeu muZimbabwe, yeSeed Co, VaDenias Zaranyika, vanoti zvakakosha kuti varimi vaumbe mapoka avanopangana mazano pamusoro pemarimirwo akanaka embesa dzakasiyana vachibatsirwa nevarimisi vavo.

Vachitaura nevarimi nguva pfupi yadarika kumuzinda unouchikwa mbeu weRattray Arnold Research Station, VaZaranyika vanoti varimi vanofanira kudzokera pane zvaiitwa kare zvemibatanidzwa yekuti vange vachipana mazano ekurima.

“Kare kune ainzi ma10 club members zvinova zvikwata zvevarimi zvekuti vaisangana vachipangana mazano maererano nezvekurima vachipana ruzivo. Idzi ndidzo dzimwe nzira dzaishandiswa kare apo nyika yedu yaikwanisa kutengesera chibage nezvimwe zvirimwa kune dzimwe nyika.

“Kuita kwevarimi vemazuva acho iwayo ndiko kwatinofanira kungoita nanhasi kuti tidzokere pakuva nemukurumbira wekurima wataingova nawo,” vanodaro VaZaranyika.

Vanoti varimi vanofanira kukoshesa kusanduka kuri kuita mamiriro ekunze vorima zvinoenderana nekusanduka kwemwaka yacho vachibatsirwa nemadhomeni.

“Chakanakira munyika muno varimisi vazere uye kambani yeduwo zvakare yagara ine varimisi vakamirira kubatsira varimi kuti vanorima sei mbeu.

“Varimi ngavatore mukana wekubatsirwa nevarimisi ava vasati varima mbesa dzavo kuitira kuti vave negoho rakakura,” vanodaro VaZaranyika.

Vanoti pane matambudziko agara achisangana nevarimi zvisinei nekusanduka kwemamiriro ekunze ayo anosanganisira kunonoka kudyara mbeu, kusakura pamwe nekukohwa izvo zvinoderedza goho.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>