Patsuro hapana chinoraswa

27 Dec, 2022 - 13:12 0 Views
Patsuro hapana chinoraswa VaJackson Yotamu

Kwayedza

Tendai Gukutikwa

ZVIROTO zvake ndezvekuona misika yemuZimbabwe yakazara nenyama yetsuro, kusanganisira pizza pamwe nemasoseji acho uye dehwe retsuro richishandiswa mukugadzira mabutiro emabhaibheri kana mamwe mabhuku.

Kureva kuti hapana chinoraswa patsuro.

Murimi wetsuro uyu ane donzvo rake rinoti: “Tsuro kubasa, usatambe pabasa.”

VaJackson Yotamu (32) inyanzvi mukuchengeta tsuro uye vahwinha mibairo isingapere nebasa iri.

Pari zvino vakahwinha mibairo 13 yekugona kuchengeta tsuro nenzira dzine utano.

VaYotamu, veJacfortunes Rabbitry, vakawana mubairo wemedhari yegoridhe pachirongwa cheZimbabwe Federation of Young Farmers Pacesetters Awards.

Gore ra2022 range rakavanakira sezvo vakawana mibairo 12 uye gumi yavakawana kushoo yevarimi yeZimbabwe Agricultural Show.

Pamakwikwi aya, tsuro dzavo dzakatora mibairo inotevera: Best Chinchilla buck, Best Chinchilla doe, Best Chinchilla pair, Best Netherlands dwarf buck, Best Netherlands dwarf doe, Best Flemish giant buck, mubairo wepiri weFlemish doe, Best New Zealand White doe, Best New Zealand White buck uye mubairo wepiri weNew Zealand White doe.

VaYotamu vane menduru dzisingaverengeki dziri muzita ravo nekuda kwekuchengeta tsuro uye vachiri kutarisira kuwana zvakawanda.

Vanoti chakavanzika chetsuro dzavo dzavakahwina mibairo nadzo rudo rwavanodzipa uye vanodzipa chikafu nguva nenguva.

“Mazuva ose ndinoona kuti tsuro dzangu dzapihwa chikafu kuma7 mangwanani uye tsuro imwe neimwe yawana mugove wayo nehuswa hwezuva. Ndinoona zvakare kuti midziyo yemvura yakachena kuti dzisabatwe nezvirwere.

“Ndinoisa mabhokisi emadendere mudzimba dzadzo. Ini ndinoongorora utano hwemhuka yoga-yoga uye kuti inoswera sei pazuva iroro.

“Handisiire basa iri kune vashandi vangu. Ndinoda zvipfuyo zvangu sezvandinozviita,” vanodaro.

Vanoti dehwe retsuro nemvere dzacho zvinoshandiswa mukugadzira mabutiro (cover) emabhaibheri.

Chirongwa chekugadzira masoseji etsuro nepizza, icho vakatanga nguva pfupi yadarika, chakatambirwa zvakanaka nevemabhizimisi anobika chikafu vachitengesa.

“Ndakaedza musika uye zvabuda zvave kundimanikidza kutanga bhizimisi. Tinogadzira zvakare zvibato zvemakiyi tichishandisa miswe yetsuro yatinotengesera vanhu.

“Kutanga gore rinouya, ndichatanga kugadzira weti yetsuro kuti ishandiswe nevarimi sefetereza yefoliar. Ndinoda kuona kuti hapana chandinorasa kubva kutsuro dzangu,” vanodaro VaYotamu.

Vachibvunzwa kuti munhu angada marii kuti atange chirongwa chekupfuya tsuro, VaYotamu vanoti bhizimusi iri riri nyore kuti munhu aritange.

Vanoti iri ibhindauko rinozviraramisa uye munhu anogona kuritanga netsuro mbiri chete.

“Kupfuya tsuro ibhizimusi risingade mari yakawanda sezvo munhu achigona kutanga nepadiki, owedzera nekufamba kwenguva.

“Unokwanisa kutanga netsuro mbiri uye dzinokurumidza kuwanda sezvo chero nguva munhu achikwanisa kuwana tsuro dzinodarika nomwe. Tsuro imwe chete inodya chikafu chinokwana 150g pazuva.

“Tsuro dzinogona kupfuiwa munhu achiita rimwe basa nekuti hadzikutorerei nguva yenyu yakawanda,” vanodaro.

VaYotamu vanoti, kusvika pahuremu hwekuuraya hunova 2,5 kusvika pa3kgs, zvinotora masvondo gumi nemaviri.

Tsuro imwe chete inogona kutengeswa neUS$7 zvichienderana nemhando yacho.

Zvisinei, VaYotamu vanoti mitengo yechikafu chetsuro yave kuita kuti vamwe varimi vasiye kudzipfuya sezvo iri kuramba ichikwira.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>