Pwere dzoshungurudzwa kuHopley

05 Apr, 2023 - 22:04 0 Views
Pwere dzoshungurudzwa kuHopley Sharon Zovovo

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VABEREKI nevatungamiri vemumusha weHopley uri muguta reHarare vanoti vari kushushikana zvakanyanya nekuroodzwa kuri kuitwa vana vasikana vemunzvimbo iyi apo vanenge vasati vabva zera uyewo nekutorwa kwezvinodhaka nevechidiki.

Izvi zvinonzi zviri kukonzera kuti vanasikana nevanakomana vakawanda vasiire chikoro panzira.

Mai Sharon Zovovo, avo vanova sachigaro weGodfrey Chidyausiku District ikoko, vanoti upenyu hwevanasikana vakawanda vemunzvimbo yavo huri kukanganiswa mushure mekunge vapihwa pamuviri vachiri pachikoro.

Pasi pemutemo, imhosva kuroora, kuroodza kana kudanana nemusikana kana mukomana ane makore ari pasi pe18 okuberekwa.

Nerimwe divi, mutemo unotendera vanasikana vanenge vapihwa pamuviri vachiri pachikoro kuti vaenderere mberi nedzidzo yavo.

“Taita dambudziko guru kuno kuHopley, vana vari kusiira chikoro panzira, vose vanakomana nevanasikana. Vanasikana vari kuita pamiviri, fungai kuti Grade 7 neFomu 1 kuno vari kuitiswa mimba.

“Vanakomanawo, vanosiya chikoro vava kutora zvinodhaka zvakaita semutoriro, tumbwa nekuputa mbanje. Vana vaperezeka nekutora zvinodhaka, pamuviri vana ava vazhinji vanosunungukira mudzimba izvo zvinokanganisa utano hwavo nekuti hatina makiriniki kuno,” vanodaro Mai Zovovo.

Mamwe emadzimai vari kutsutsumwa nekushungurudzwa kwevana

Vanoti rimwe dambudziko ravakatarisana naro nderekuti vana vazhinji havana magwaro ekuberekwa.

“Zvikoro zvedu kuno ndezvevanhu vakazvimirira uyewo hazvina kunyoreswa neHurumende. Tinoda kuvakirwa zvikoro zveHurumende nemakanzuru nekuti muno vanhu vava kungoita zvavanoda nekuvaka zvikoro zvavo zvisina kunyoreswa, apo vana vanogara pazvidhinha munzvimbo dzisina utano,” vanodaro Mai Zovovo.

Mashoko avo anotsinhirwa naMai Patience Musiiwa (36) vachiti: “Dzimwe nguva vana ava vari kuitiswa pamiviri nevarume vakuru vane madzimai avo, vosiiwa vakadaro. Vanogara kumba kwevabereki kusvikira vasununguka.

“Utano hwevanasikana ava nevana vavanobereka haumire zvakanaka.”

Regai dzive shiri

VaSimbarashe Kwashirawu (32) vemunzvimbo iyi vanotiwo mararamiro evana munzvimbo yeHopley haana ramangwana rakajeka.

“Vana vedu havana zvekuita, vanasikana vava kuita pamiviri vosiira chikoro panzira, vakomana vacho vari kugumira Grade 7 votangawo kudhakwa nemutoriro. Vana ivava ndivo vatungamiri vemangwana.

“Tinoda kuvakirwa nhandare dzemitambo kuti vana vedu vawane kwekuswera,” vanodaro VaKashirawu.

Mai Hazvinei Mativhunga (34) vanoti kune kushungurudzwa kwevanasikana munzvimbo iyi kusingamhan’arwe kumapurisa.

“Vanasikana vedu muno vangova varwere, vanoshungurudzwa nevarume ivo vasati vayaruka vopihwa zvirwere. Nyaya idzi hadzimhan’arwe, tinoda kuti mapurisa vafambe muno vachidzidzisa vana kodzero dzavo,” vanodaro Mai Mativhunga.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanokurudzira vagari venzvimbo iyi kuti vamhan’are nyaya dzose dzavanofungidzira kuti pane kushungurudzwa kwevana.

“Tinokurudzira vanhu kuti vamhan’are mhosva nenguva pasina kutya kuti vari kufungidzirwa vacho ndevapi kana kuti vanoitei mukurarama kwavo,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Share This:

Sponsored Links