‘Regai vana vamitiswa vaenderere nechikoro’

23 Aug, 2022 - 12:08 0 Views
‘Regai vana vamitiswa vaenderere nechikoro’ Dr Evelyn Ndlovu

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VANASIKANA vanomitiswa vachiri kuenda kuchikoro vari kutadza kuenderera mberi nefundo ysvo nekuda kwezvikonzero zvakasiyana zvisinei nekuvepo kwemutemo unovatendera kuti varambe vachidzidza.

Izvi zvakabuda pagungano rakaitwa muHarare svondo rapera nemasangano anorwira kodzero apo paikurukurwa nezvakakoshera kuti vana vanenge vaitisana pamuviri vakwanise kuenderera mberi nedzidzo yavo.

Masangano aya anosanganisira Care International, Education Coalition of Zimbabwe (ECOZ), World Vision neFarm Community Education Trust (FACET).

Mumashoko avo, gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari – Dr Evelyn Ndlovu – avo vainge vakamiririrwa nemunyori mukuru webazi iri, Mai Tumisang Thabela, vanoti Hurumende yakatodzika mutemo unotendera kuti vana vanenge vaitisana pamuviri vaenderere mberi nedzidzo.

“Izvi zvakaitwa senzira yekuenzanisa mikana pakati pevanasikana nevanakomana nekuti kazhinji taiona vasikana vanenge vaitiswa mimba vachisiira chikoro panzira vachinzi vaende kunoroorwa asi vakomana vachienderera mberi nechikoro. Saka mutemo uyu uriko, unoda kushandiswa nemazvo uye vakuru vezvikoro vakatofundiswa nezvavo.

“Dambudziko guru richiri kuvabereki vachiri kunyara kana kutoshaya hanya yekufundisa mwana anenge aiitiswa pamuviri. Saka zvava kuda dzidziso huru kubva kunemi masangano ari pano kuti tibatsirane mukuona kuti vana vatsigirwa vadzokere kuchikoro,” vanodaro.

Vanoti munhu wose ari pachikoro kubvira pavarairidzi, vachengetedzi vepachikoro nevana vanofanira kudzidziswa nezvemutemo uyu kuitira kuti pasazoita matambudziko ekusekwa kwevadzidzi vakazvitakura zvinova zvinokanganisa kuva kwavo nechido nechikoro.

“Hatisi kuzosiya vana vachinetseka, zvikuru vanasikana vari panyatwa yekumbunyikidza nenzira yepabonde vachiita pamuviri.

“Tinoda zvekare kuti dzidzo yemamheru kana kuti isiri yekupinda mukirasi zuva nezuva (non-formal education) isimbaradzwe kuitira kuti vana vaya vanorasikirwa nedzidzo nekuda kwepamuviri vawane mikana yekufunda. Vana vanobarwa vanofanira kutsvagirwa nzira dzekuti vangachengetwa sei vanaamai vachienda kuchikoro,” vanodaro Dr Ndlovu.

Rumbidzayi Moyo, uyo anova strategic partnership and private sector engagement manager kuCare International Zimbabwe, anoti vemachechi, zvikuru echipositori, vanofanirwa kupihwa dzidziso yakasimba pamusoro pekuipa kwekuroodzwa kwevana vasati vabva zera.

Mashoko avo anotsigirwa naVaMethod Ndlovu vanova program manager kuWorld Vision vachiti vana vanoitiswa pamuviri vari pachikoro vanoda kutsigirwa nemabhindauko anoita kuti vawane chouviri.

“Munhu paanoita pamuviri anoda kuva negadziriro yezvekupfeka, kudya, kurapwa kwozoti kupangwa mazano chaiko kwakakosha nekuti vana ivava vanosangana nekushungurudzika kwakanyanya. Kudzimba kwavanobva vanenge vasingachadiwa, kuchikoro kwacho kune hondo dzakowo dzekusekwa nekutukwa, mari vanenge vasina saka mikana yekuramba vachishungurudzwa inowanda,” vanodaro.

Chido Mawire anova murongi kusangano reFACET anoti vana vanogara kumapurazi ndivo vamwe vari panyatwa huru yekusiira chikoro panzira nekuda kwekushaya ruzivo uye zvinovakwanira.

Chikamu chemutemo cheEducation Act: Chapter 25:04 Section 68 C (1) chinoti panofanirwa kuwaniswa rutsigiro rwezvekushandisa kuitira kuti vanasikana vanoitiswa pamuviri vachiri pachikoro vakwanise kuenderera mberi nedzidzo yavo.

Share This:

Sponsored Links