‘Rimai mbesa diki’

31 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
‘Rimai mbesa diki’

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
MAMBO Chipuriro – VaClever Chipuriro – vekuGuruve, kuMashonaland Central vokurudzira varimi vari kumatunhu asinganaye mvura yakaringana kuti varime mbesa diki senzira yekutanda nzara.

Vachitaura svondo rapera pakumemwa kwemunda wemumwe murimi wemudunhu ravo asarudzwa senyanzvi, Mambo Chipuriro vanoti zvirimwa zvidiki zvairimwa kubvira pasichigare zvisingakanganiswi nemakonye, shiri kana zvirwere uye zvinotirira kuzuva.

“Kubvira pasichigare vanhu vaitowana mamwe makandiwa emunda ayo vairima zviyo, mapfunde, nzungu, nyimo, mhunga nezvimwe zvisinei nekuti vairimawo chibage. Zvirimwa zvidiki zvakakosha nekuti zvinotirira zuva uye hazvinei nefetereza kana mimwe mishonga zvinova zvinodhurira varimi. Zvirimwa zvidiki zvinogara kwenguva ndefu mumatura zvisina kuparadzwa nezvipfukuto,” vanodaro.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, Mai Monica Hamadziripi vanoti vakarima mapfunde emhando yeK2 Shirikure ayo asingadyiwe neshiri nekuda kwekuti ane zvinhu zvinenge minzwa kana kuti hunye zvichitevera maumbirwo awo zvinoita kuti shiri dzikundikane kuadya nekuti dzinenge dzichitya kubaiwa.

“Ini gore negore ndine mupanda wandinorima zvirimwa zvidiki nekuti zvinotibatsira mukutanda nzara. Zviyo kana mapfunde zvinoshandiswa mukukuya chimera chemahewu, kubika doro uye zvinobikiswa sadza rine utano. Mhando yemapfunde andakarima anoreba zvikuru saka kwakaita dutu remhepo mamwe acho achibva adodha asi hazvimakanganisi kukura anoramba achikura akarara pasi kudaro uye haadyiwe neshiri,” vanodaro.

Mudhumeni wavo, Mai Forget Mubvumba, vanoti mapfunde chirimwa chisingarwadze kurima nekuti haadi mishonga nefetereza yakawanda.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey