Rimai mbesa dzemuchando: ZFU

07 Jun, 2023 - 13:06 0 Views
Rimai mbesa dzemuchando: ZFU VaPaul Zakariya

Kwayedza

Kingstone Mapupu

SANGANO reZimbabwe Farmers Union (ZFU) rinokurudzira varimi kurima mbesa dzemuchirimo mumapindu idzo dzinopa mari nekukurumidza.

Kurudziro iyi yakapihwa naVaPaul Zacharia vanove head of secretariat kuZFU vachiti varimi vanokwanisa kurima mhando dzakasiyana dzemiriwo, madomasi nehanyanisi pane kurima zvirimwa zvinotora mwedzi yakawanda zvisati zvaibva.

“Mwaka uchangodarika mvura yakanaya zvinodadisa ikazadza matsime nemigodhi yedu yatinochengetera mvura nekudaro varimi takasununguka kurima mbesa dzatinoda pasina dambudziko. Saka tinoti ngatirimei mbesa diki dzemuchirimo dzinokurumidza kuibva kuti tiwane mari nenguva,” vanodaro VaZacharia.

Vanoti chirimwa choga-choga chine mbeu dzinokurumidza kuibva nedzinononoka kusvika.

“Varimi havafanirwe kuzorora kuisa mari muhomwe kubvira muZhizha zvose nemuChirimo. Hongu, muZhizha tinobatsirwa nemvura yekunaya kunyorovesa minda yedu apo vazhinji vanoita mari nekutengesa zvirimwa zvakatsaukana.

“Zvino munguva yemuChirimo zvakare, ngatiitei zvimwe chete torima mbesa dzinokurumidza kusvika tichisanganisa nedzinotora nguva refu dzacho nekuti dzose tinodzida. Ukarima zvako madomasi, bhinzi, derere, magaka, mbatatisi nezvimwe zvinokurumidza kusvika munguva ino yeChirimo, tinongotambarara mari ichingouya muhomwe dzedu.”

Sangano reZimbabwe Farmers Union (ZFU) rinokurudzira varimi kurima mbesa dzemuchirimo mumapindu dzakadai semuriwo idzo dzinopa mari nekukurumidza.

VaZacharia vanoti chakanakira mbesa dzinokurumidza kuibva munguva yeChirimo ndechekuti hadzidiridzwe kwenguva yakareba sezvinoita zvimwe zvirimwa.

“Kurima kunoda hungwaru nekushanda pamwe chete nevarimisi vematunhu atinogara uye tichitevedza zvose zvavanotidzidzisa. Ino inguva yekurima gorosi remuchando nezvimwe zvirimwa,” vanodaro.

Vanoti kune nzira dzakasiyana dzekudiridzira zvirimwa, dzimwe dzacho dzakareruka zvikuru zvinoitira nyore varimi.

“Kwava nehunyanzvi hwakasiyana pakudiridzira minda yedu saka ngatishandisei nzira idzi idzo dzimwe dzacho dziri nyore zvikuru. Tine inonzi drip irrigation yekuti mvura inongodonha zvayo iwe usipo ichibva mumatangi amunochereredza mvura, imwe inonzi overhead irrigation, imwe inoitawo yekuyerera nemigero nekudaro dzakawanda nzira idzi saka ngatidiridzei zvirimwa.”

VaZacharia vanoti kune zvirimwa zvemuchando zvinopa mari yakawanda sezvo zvinenge zviri zvishoma zvakaita sechibage chemuChirimo.

“Ukaona madomasi akawandisa pamusika kana chimwe chirimwa zvinoreva kuti hazvitengwe nemari zhinji panguva iyoyo, tsvaga zvishoma mumisika,” vanodaro VaZacharia.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>