Rodza njere nemadimikira

27 Mar, 2020 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
MUKUVAVARIRA kuti tipinde mugoho repamusoro, tinobata mativi ose kuti tigadzire hwaro hwakakura hwekugadzirira bvunzo. Regai timbobva munyaya dzezvebvunzo ra2021 ratakabata muzvikamu zvapfuura timbopinda mukukaringa nekurunga mutauro wedu kuti ugozipa.

Tamborerekera kumadimikira rwendo rwuno tichingonongawo mashoma ayo tichatsanangudza kuti anorevei tigogona kuashandisa muzvinyorwa zvedu. Nekuwanda kwaakaita, madimikra aya hatingaapedzi muchikamu chino saka tinopota tichiabata pano neapo.

Kune dimikira rinoti ane ropa rakananzvwa nembwa. Zvinoreva kuti munhu iyeye anenge aine munyama. Anenge onzi ane ropa rakashata.

Pasi pamera ziso idimikira rinotaurwa paya panenge paitika chinhu chisati chamboitika mudunhu kana munharaunda uye chichishamisa.

Nzira igumbu zvinoreva kuti munhu anenge asingamanikidzwe kuita kana kutora chinhu asi kuti aiite zvaanoda iye, kuita kana kuregera.

Ukanzwa vakuru voti denga harioni vanenge vapinda pachimanikire chaipo pekuti vanenge votoringa kumidzimu yavo kana Mwari kuti avatsikinure kubva mumbonambona inenge yavamonera. Vanenge vakasungwa mbira dzakondo nedambudziko.

Hakudanwi anonzwa idimikira rinotaurwa paya panenge pachitarisirwa kuitwa mafaro akanyanyisa.

Panenge pachirongwa zvikukutu zvinogona kuzofadza rudhende semabiko kana muchato.

Dimikira iri rinonyanyotaurwa kana uchida kukwezva munhu kuti agovepo pachiitiko ichocho.

Anenge ari makuwerere kana kuti makwishu.

Kana gava radambura musungo zvinoreva kuti paya panosimboenderera munhu mukuita zvisina kururama achibudirira, handizvo zvichaiitika nhasi nekuti chiitiko chanhasi chazomupinza munjodzi. Munhu aiisimbopara mhosva pasina anomubata asi zverwendo rwuno zvine mumwe mutoo wekuti panenge pasisina pokupoya napo. Vamwe pakadai vanobva vadeedzera kuti zvazoiwana ngwarati.

Manyama amire nerongo zvinoreva izvo kuti zvinhu zvinenge zvisina kugadzikana. Inenge ingori mvonga mvonga.

Kana vakuru vachiti muto wetsenza mumwe chete vanoreva kuti zvinhu zvavanenge vakatarisana nazvo kana zvavapiwa pechipiri hazvina kana musiyano nezvavagara vachipiwa kana kusangana nazvo.

Zvingava zviine mazita akasiyana kana kubva kunzvimbo dzakasiyana asi zvinenge zvakangofanana mashandiro azvo kana manakiro azvo.

Panotiza munhu akabata mhapa neruboshwe panenge pasina kumira zvakanaka.

Anenge asina kana kupiwa mukana wekugadzirira kutiza pfumvu inenge yamuvinga.

Share This:

Sponsored Links