Kwayedza
Munyaradzi Gunduza
MUBHUKU rinonzi Kereke Inofa wakadzidza zvakawanda maererano nezvemapindurirwo emibvunzo nemhinduro dzinotarisirwa. Zvino chipfuurirawo mberi nekupindura mibvunzo yakapihwa pazasi.
Cherechedzo; hurefu hwemhinduro hauna basa asi chinokosha kupa mhinduro inopindura mubvunzo wabvunzwa.
- Ndeapi matambudziko anosangana nevanhu vari kuenda mhiri kwemakungwa anoburitswa muna Kereke Inofa? Tsigira zvizere. [25]
- Gift Mwenje ndiye honzeri yematambudziko anowira vatambi vari muna Kereke Inofa. Tsigira pfungwa iyi nezvinhu zvishanu zvaanoita. [25]
- Kuenda kwaSarah naPastor Mwenje kuUK kunosundidzira sei rongetedzo yenyaya iri muna Kereke Inofa? Tsigira mhinduro yako zvizere. [25]
- Ndezvipi zvinoitika muna Kereke Inofa zvinoratidza kuti mutambo uyu wakanangana nezviri kuitika muupenyu hwemazuva ano? Tsigira zvizere. [25]
- Buritsa matambudziko anowira vanhukadzi muna Kereke Inofa. [25]
- Ndezvipi zviitiko zvisere zvaungati ndizvo zvinoita kuti mutambo uri muna Kereke Inofa ufambire mberi sezvawakaita? Tsigira zvizere. [25]
- Ndezvipi zvinhu zvisere zvinotendeseka mumutambo Kereke Inofa? Tsigira mhinduro yako zvizere. [25]