Runga mutauro netsumo nemadimikira

20 Jul, 2018 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga—

TAKABATA twese twakanangana nekunyora kwakanaka zvekuti kana tese takabata ipapo, hatifanirwi kusangana nedambudziko ringatisvetera goho redu. Chotoita iye zvino dakara tinyore bvunzo muna Gumiguru kutarisa zvakanangana nedzokorodzo apo tichatarisa nzira dzakawanda dzekukodza nadzo mutauro wedu.

Tinoda kuramba tichishandisa zvirungamutauro zvemhando yepamusoro kuitira kuti uyo nouyo achabata basa redu agoyemura hutsanzi hwedu.

Tinoda tibatane netsumo muchikamu chino tigone kudzitsanangura nekudzishandisa muzvirevo zvizere. Ndichaedza kutsvaga tsumo dzakadzama ndigodzitsanangudza kuitira kuti tigodzishandisa kukodza mutauro wedu.

Zvinonzi navakuru, Chaita chikoo chapembedzera. Iyi tsumo inotaura pamusoro pevanhu vaya vane hundini vanoda kungotorera vamwe zvinhu zvavo nekuti vanovakurira. Havadi kushanda asi kuti vanonyinda nezvibhakera.

Rushambwa kana kuti munyama zvikabata pamunhu anoitwa chiseko chenyika. Munhu wese chero kana nepwere vanotora munhu iyeye seasiri munhu. Anobva adadirwa nevose kuita seasina kubarwawo kana kufanana nevamwe. Ndivo vanorehwa netsumo inoti, Chimene chamadima kupakurirwa nenzara mugwaku uripo.

Tiri parushambwa ipapo tinoona zvakare tsumo inopinda inoti, Chimene chezizi parafamba ranzi muroyi. Iyi tsumo inotaura kuti pese panoitika chinhu pane vanotonenerwa chero vasiri ivo vazviita. Vanonenerwa ava vanhu vaya vanongoshorwa kana vane rushambwa. Chese chaitika vanongonzi ndivo.

Kune vanhu vanozivikanwa pamusana pezvinhu zvavanofarira zvikurusa kusvika pakusada kusiyana nazvo

Kana vanhu ivavo vakazosiya chinhu ichocho, vabatana nezvitsva vanogona kutosema kana kushora zvavaifarira voti namanama nezvitsva. Vanhu vachiona zvakadai vanotaura vachiti, Rabva ngedera denhe kupinda gaya.

Kune tsumo inozivikanwa zvikuru inoti, Ihuku yazvidyira mazai ayo. Tsumo iyi inofananidzwa neinoti, Idikiti razvitirwa ichireva kuti munhu anenge azviparadzira chinhu chake chaanodisisa pachake kana kuzvikuvadzira mwana wake.

Kune zvimwe zvinhu zvinoitwa navakuru chete vaduku vasingabvumidzwe. Kungava kuenda kumapira kana kunzveura. Kunongoenda vakuru chete avo vanobva varaira vana kuti, Ngezvehurura doko dzinonyika miswe.

Vamwe vanhu ndivana mukumba zvose zvekuti vanogona kupedzera simba pazvinhu zvisina namaturo kana kuti zvaasingazombofi akashandisa. Anofondokera mahara pedzezvo ongosiya zvakadaro asina chaazviitisa zvaapedzera simba zvacho. Ndipo panonzi, Isimba redzara kutsvaga mhatso yarisingagari.

Nyadenga vakasika vanhu vese nezvipo zvakasiyana-siyana. Munhu ane zvakewo zvaanogona zvaanopira shavi uye achiita nemazvo. Tanga tichiona mabhora eWorld Cup anga achitambwa nana mazvikokota kuRussia nekuti ndizvo zvavanogona. Ndizvozvo zvavanonzwisisa ndokusaka vakuru vachiti, Ndizvo zvarinoda dokoriro kuripa sadza negusha. Dokoriro igurokuro uye gusha iderere nekudaro sadza nederere kungosvada uchimhanya uye zvinobva zvareruka.

Chapera chii hwedza ndinhasi husiku hauriri shiri. Iyi tsumo inotaura kuti kana munhu achinge atadza kuita chinhu chaange akafanira kuita muzuva rimwe chete, haafanirwi kuti anetseke nekuti anongona kuzongochiita muzuva rinotevera. Kushingirira kuita chinhu kwakakosha muupenyu nokudaro vanowanzotsungirira vaya vanowanzobudirira muzvinhu zvavo nekuti Imbwa hora haifunidzi nhando. Tambogumira pano muchikamu chino.

 

 

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>