Ruzivo Primary inobura shasha

05 Aug, 2016 - 00:08 0 Views

Kwayedza

CHIKORO cheRuzivo Primary School chiri kuMufakose, muHarare, chiri kuratidza kuti chine ruzivo, sezita racho, rwekusimudzira dzidzo.

Mukuru wechikoro ichi, Mai Auxilia Sahondo, vanoti vanofadzwa zvikuru nekusimukira kuri kuita chikoro chavo.

“Kubvira kuuya kwandakaita pano mugore ra2012, ndiri kuona shanduko huru nekuti chikamu chedu chekupasa paGrade 7 chiri kukwirira kana zvichienzaniswa nemamwe makore adarika. Tiri kuedzawo nepose patinogona kuti tinge tichiita mitambo iya yaimbonzi ndeye maGroup A schools secricket, basketball nehandball,” vanodaro.

Vanoti kubasketball chikoro chavo chakakunda kubva padanho redistrict kusvika kupurovhinzi.

Mai Auxilia Sahondo vanoti vari kusanganawo nematambudziko emari zvichitevera kuoma kuri kuita zvinhu munyika apo vabereki vazhinji vari kukundikana kubhadhara mari dzechikoro nenguva zvinova zviri kuita kuti vatadze kutenga mimwe midziyo inodiwa mukufambisa mabasa edzidzo nezvivakwa.

Vanotizve vana vepachikoro chavo vari kubudirira zvikuru muchidzidzo cheShona paGrade 7 kuburikidza nebepanhau reKwayedza iro rine zvikamu zvedzidzo yeGrade 7, O- neA-Level.

Zvivakwa zvose zvepachikoro ichi zvakavandudzwa zvakare kuti zvifambirane nenguva uye pane library yekuverengera ine mabhuku anodarika 6 000.

Ruzivo Primary yakavambwa mugore ra1971.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>