Rwatata kudya namambo

13 Dec, 2019 - 00:12 0 Views
Rwatata kudya namambo Rwatata

Kwayedza

USAVI hwerwatata kudya namambo uye nyama iyi ine kudya kunodiwa nemuviri kunosanganisira iron iyo inosimbisa mapfupa nekubatsira kuwedzera ropa pamwechete nemapuroteni.

Kare, nyama yerwatata yainzi yaidyiwa nevazukuru bedzi, asi mazuva ano yave yevanhu vose.

Svondo rino, nyanzvi yezvekubika, Taurai Dube wekuBulawayo, anorondedzera mamwe mabikirwo enyama yerwatata.

Zvinodiwa:
Tenga rwatata muzvitoro zvakanyoreswa zviri pamutemo.
Poto kana hadyana yakachena, mafuta, hanyanisi, munyu, matomatisi nebanga.

Mabikiro:
Cheka nyama kuita zvidimbu zvakafanira.

Geza rwatata nemvura yakachena.

Chiisa mupoto kana muhadyana woibika kwemaminitsi 45.
Kanda munyu wakaringana wozoisa hanyanisi, matomatisi nemafuta.
Wozodii?

Kana rwatata rwaibva rwunoonekwa nemuto wakakorera.
Rwatata rwunodyiwa nesadza jena, remhunga, rezviyo, remapfunde kana kuti nemupunga.

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>