Sadza ‘rinofamba’ nederere

19 Aug, 2016 - 00:08 0 Views
Sadza ‘rinofamba’ nederere Derere rechipudzi

Kwayedza

DERERE rechipudzi “rinofamba” zvikuru nesadza zvekuti munhu anozokaruka apedza mukonde nenguva isipi, anakirwa. VaGibson Mlambo vekuSunningdle 2, muHarare, vanodonongodza mabikirwo akanaka ederere iri.

ZVINODIWA:
Derere rechipudzi, chikari kana poto yakachena, munyu, soda, mafuta nematomatisi. Chekutanga, tora derere woricheka kuita zvidimbu zvakaringana. Tora chikari kana poto woisa derere, wogadza pamoto. Isa mvura ine soda yakaringana. Siya zvikwate asi usakwidibire nekuti derere rinotutumira. Kanda munyu wakafanira woramba uchikurunga derere kusvika raibva.

WOZODINI?
Pisa mafuta mupani wokanda hanyanisi uchizotevera nematomatisi. Kana supu iyi ichinge yaibva, chisanganisa nederere modya nesadza jena kana rezviyo.  . Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachinyorwa chino panhamba dzinoti +263 773 394 753.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>