Sangano robatsira varimi

03 Oct, 2014 - 09:10 0 Views
Sangano robatsira varimi

Kwayedza

RIMWE sangano rakazvimirira reClimate Smart Trust rosimudzira mabasa ekurima kumativi mana enyika kuburikidza nekubatsira varimi mumabhindauko akaita sekurima howa, maruva nekupfuva hove.
Muhurukuro naMai Felistus Ndoro (32) vanova munyori kusangano iri kuNorton vanoti kunzvimbo yavo vane nhengo dzinosvika 150.

“Tiri kunyanya kushanyira nzvimbo dzakaita semakereke tichitsvaga vekushanda navo sezvo vanhu vanonamata vachigona kushanda nevamwe zvisinganetse,” vakadaro Mai Ndoro.

“Tiri kuwanisa vanhu zvakare dzidziso ine chekuita mukudzivirira kushanduka kwemamiriro ekunze uye nezvingagona kukonzeresa kushanduka uku zvakaita sekutema miti, kuchera makomba nekupisa masango.

“Parizvino nhengo dzedu dzakatowana dzidziso maererano nekurimwa kunoitwa howa, tava padanho repamusoro kuti tichitanga kurima sezvo tiri kugadzira zvinodiwa pakurima howa sehuswa hwekuvaka mipanda inorimirwa howa, kuvaka zvimbuzi nepekugezera sezvo huchida hutsana pakuhurima,” vakadaro.

Zvakadaro, vanoti rimwe rematambudziko avari kusangana navo kushaikwa kwemari dzekuti mabhindauko avo afambe zvakanaka.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey