Seed Co yakabatsira Peterhouse Boys

15 Mar, 2019 - 00:03 0 Views
Seed Co yakabatsira Peterhouse Boys Muzvare Mutemererwa vaina (kubva kuruboshwe) Keavn Barbour anove nhengo yeInternational Cricket, Taine Smith naDave Kirkman director of sports paPeterhouse.

Kwayedza

Abel Ndooka
KAMBANI huru pakuuchika nekutengesa mbeu, yeSeed Co, svondo radarika yakapa chikoro chePeterhouse Boys chiri kuMarondera mayunifomu emutambo wecricket.

Vachitaura pachiitiko ichi, mukushi wemashoko weSeed Co – Muzvare Marjorie Mutemererwa – vanoti kubvira nakare, kambani yavo inotsigira zvemitambo.

“MuZimbabwe, mitambo yakakosha uye kubva kare, muno takakwanisa kubika mazita makuru kubva mumitambo. Pavatambi vatapa mayunifomu ava ndipo pachabva anaHeath Streak nanaAlister Campbell vemangwana.

“Chido chedu kuti mitambo isimukire uye ticharamba tichitsigira, iri rimwe remabasa atinoita senzira yekudzosera kuvanhu,” vanodaro.

Zvikwata zvakapihwa mayunifomu ndezveUnder-14, U-15, U-16 nezvitatu zvevakuru. Muzvare Mutemererwa vanoti mutambo wecricket wange wadzikira mumakore adarika.

“Makore adarika, mutambo uyu wange uchidzikira zvikuru uye zvinozivikanwa. Saka chishuwo chedu kuona uchisimuka zvakare asi hunge vanoona nezvecricket vakabatana nemakambani anofambisa basa,” vanodaro.

Keputeni wePeterhouse Boys Cricket, Taine Smith, anotenda Seed Co nerubatsiro rwayakavapa.

“Isu sechikwata tichatamba zvekusvika pakudambuka makumbo kuti tihwine nechinangwa chekusimudzirawo kambani yeSeed Co iyo yakazvipira kushanda nesu,” anodaro Smith.

Aka hakasi kekutanga Seed Co ichibatsira zvikoro mune zvemitambo. Gore rapera yakapa zvekutambisa cricket kuchikwata cheChurchill Boys High neSt George’s College.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>