Seed Co yakabura mbeu itsva

15 Apr, 2016 - 00:04 0 Views
Seed Co yakabura mbeu itsva

Kwayedza

KAMBANI ine mukurumbira wekuuchika mbeu yeSeed Co Zimbabwe yakabura mbeu itsva dzechibage, nzungu, nyemba nedzimwe idzo dzinofambirana nekusanduka kuri kuita mamiriro ekunze zvinova zvichabatsira varimi vari mumatunhu akasiyana enyika.

Dzimwe mhando itsva dzembeu yechibage dzinosanganisira SC 301 (Tsuro) , SC 303 yellow maize, SC 403 (Tsoko), SC 513 Mbizi neSC 727 Nzou.

Svondo rapera neChishanu varimi vakabva kumatunhu akasiyana nekune dzimwe nyika dzakadai seMalawi, Zambia, Botswana neTanzania vakaungana kuRattary Arnold Research Station vachiona dzimwe dzembeu itsva idzi dziri kuuchikwa neSeed Co.

Vachitaura pachiitiko ichi, VaMike Ndoro vanove nhengo yebhodhi reSeed Co Group, vanoti mukana uyu wakakosha nekuti unoita kuti vange vachipangana mazano nenyanzvi maringe neruzivo rutsva rwekuuchika mbeu.

“Kudzidza hakuperi, nhasi tine nyanzvi dzakabva kunyika dzakasiyana kuti tipangane mazano maringe nenzira dzakanaka dzekuuchika mbeu. Varimi vedu vanoda ruzivo irworwo kuti vagoziva marimirwo embeu dzatinouchika vachibura goho rinovagutsa. Mamwe matambudziko ari kutarisana nevarimi kuno ndeenzara uye zvirwere zvinobata zvirimwa zvavo,” vanodaro VaNdoro.

Vanoti zvichitevera kusanduka kwemamiriro ekunze uko kuri kuuya nenzira dzakadai sekushomeka kwemvura yemudenga kana kuwandisa kwayo, zvave kuda kuti kuuchikwe mbeu dzinoenderana neshanduko iyi kuitira kuti varimi vasazorasikirwe.

Vakarumbidza Hurumende nekutsigira kwairi kuita chirongwa chekurwisa nzara munyika cheComprehensive Africa Agriculture Development Programme (CAADP).

“Chirongwa ichi chiri kubatsira varimi zvikuru vekumaruwa nehomwe inotsigira mabasa avo ekurima akadai sekuvhenekwa kweivhu uye kuchengetedzwa kwezvipfuyo. Izvi zvinofambirana nechirongwa cheZimAsset chekuti vanhu vawane kudya kune utano uye kunoendeka,” vanodaro.

“Chirimwa chesoyabhinzi ndechimwe chinopa mari nekukasika pamwe kudya kwezvipfuyo. Dzimwe dzembeu dzedu itsva idzo tinokurudzira varimi kuti vange vachirima dzinosanganisira SC Saxon neSC Signal. Mbeu dzesoyabhinzi idzi hadzikasiki kubatwa nezvirwere zvakadai sengura inoitika pamashizha ezvirimwa (rust), kana kucheneruka kwemashizha (leaf spot).

“Mbeu idzi dzinobereka dzichipa goho guru uye dziri nyore kuti murimi ange achikohwa achishandisa muchina nekuti dzinokura dzakaenzana,” vanodaro.

Managing director weSeed Co Zimbabwe, VaDenias Zaranyika, vanotiwo mbeu itsva idzi dzinofambirana nekusanduka kwemamiriro ekunze izvo zvichaita kuti Zimbabwe isazodhurirwe nekutenga chibage kune dzimwe nyika.

“Tinokurudzira varimi kuti vange vachirima mbeu diki munzvimbo idzo dzinenge dzichikundikana kupa goho rechibage rakanaka. Kana tikagona kushandisa mvura yemudenga nembeu itsva dziri kuuchikwa idzi tinoona tave kutengesa zvirimwa zvedu kune dzimwe nyika pachinzvimbo chekuti isu tirambe tiri vatengi,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>