Shoko rekurwa kwemadzimai maviri rinonosvitswa kuchechi

16 Jan, 2015 - 00:01 0 Views
Shoko rekurwa kwemadzimai maviri rinonosvitswa kuchechi

Kwayedza

Ticha Tichaziva
(37-2014)
CHITSAUKO 27 (Ongororo: Enderero mberi)
Kubidiritsana kwaiita mai vaMusekiwa naamai vaMandizvidza vakagumbatirana pasi zvinotsanangurwa zvichinzi “gumi rakadya vaviri” (102). Amai vaTichaona vachitaurira mai vaYeukai zvainge zvaitika kuti vanhu vaimbonzwanana musi uyu vaburana tinovanzwa vachiti, “Gonzo nachin’ani nhasi zvatosvorana” (103). Amai vaYeukai vachimbofunga zviya zvekurovera nemotokari pagedhi remba kwakaitwa naGeorge achibva kumusangano vanoona kuti murume wavo akapona padikidiki kufa izvo anodimikira achiti “vakapona nepaburi retsono” (104).
Kuzoti kunowo enzaniso dzikati hatidi kusarira shure semuswe. Tinobva tanyatsa kuona maitikiro azvo apa amai vaMusekiwa vanotaurira mainini kuti kana zvinhu zvaoma ngavarege kuramba vakanyarara “sechimumumu” (99). Madzimai aya vanobuda mumba voenda kunokumbira muriwo, vadunganidzana “seshwa dzabvurwa manhenga” (100) amai vaMusekiwa vari ivo vainge vari mberi.

Pavanosvika pana George haavanzwi sezvo vachisvika zvinyoronyoro izvo zvinoita kuti murume uyu avati asi vanofamba “sekitsi” (100). Hapano pakuti madzimai aya vamisidzana, vava kuda kurwa, vanoita izvi vakanyatsomiridzana savatambi vetsiva” (102) vakakunga zvibhakera vachidzungudzira misoro. Panosimuka mai vaMusekiva vabva mukuchigarwa chematsenganzungu, mudzimai uyu anonhamukira mainini “sekitsi yaona gonzo” (102). Panorumwa mainini panzeve mudzimai anoyaura zvinonzwisa tsitsi izvo zvinonzi vakayaura “senguruve” (102). Mainini vanodzorerawo ndokuruma maiguru pamhuno mudzimai mukuru akayaura “somudzimai anoteta pakusununguka” (102).

Imbwa Garikai apo inoona amai VaMusekiwa vonhonga zidombo kuti vagopedzisa amainini, inoruma rokwe ravo ichiribvarura mazamu akasara ava pachena achingorembera iyo ndokuramba ichihukura “seyaipenga” (102) ichivadonhedzera rute.

Kutsanangura kunoitwa naamai vaTichaona kunoita kuti muverengi azadzwe nesetswa apo vanoti marokwe emadzimai aya apo vairwa ainge achipepereka “kunge mahamburera” (103).

Apo mai vaYeukai vanenge vachifunga nezvekuita kwembwa Garikai vanotaura zvinofanira kugara zvakaita pamusha. Vanoti pamusha hapadi kugara pari we-e we-e nemheremhere “kunge pachiro chemakudo” (103). Chiro musha kana kuti panorara makudo.

CHITSAUKO 28 (Nyaya yacho)
Mangwana acho chiri China mai vaTichaona vanoenda kuruwadzano kuti vanoparidzira shoko rokurwisana kwavanamai Musekiwa madzimai ayo anosvikomwaya shoko kumadzimai ainge asina kuenda kuruwadzano rweChina. Musi weSvondo madzimai mazhinji ane havi yekuda kunzwa kubva kuna maiTichaona. Mai Yeukai vachibvunzwa zvainge zvaitika vanoti vakange vasipo nekudaro ngavabvunze mai vaTichaona.

Shoko rabereka zvizukuru vamwe vakati vakanzwa kuti madzimai aya ainge arwa masikati machena asina kupfeka, vamwe vakanzwa kuti mai vaMusekiwa vakange vasisina nzeve, vamwe vachiti vakanga vanzwa kuti amai vaMusekiwa vainge varumiswa nembwa naGeorge, kwozotiwo mamwe madzimai ainge okakavadzana pachavo neshoko rokuti amai vaMusekiwa vakange varumwa nembwa yavo yomene.

Nekufamba kwemazuva, zino raamai vaMusekiwa rapamusoro remberi rinotsvuka. Kumba kwaGeorge mudzimai wake anotanga nyaya yokuti Andrew angangosvika musi iwoyo kana zuva raitevera vombokakavadzana nenyaya yevazukuru vakaita saAndrew. George anozobvunza Tendai kuti dai kuri kunzi angoerekana awana mari zhinji aiita chii nayo.

Achiri mushishi yokuti angapindura mubvunzo uyu sei panobva panzwikwa kutinhira kwemotokari mbiri dzaipinda dzakateverana ndokunomira paruwanze vanhu ndokuchingamidzwa.

MuDutsun motokari yaAndrew iri kutyairwa naGabriel muna iye, mudzimai wake nehanzvadzi dzaAndrew ina imwe yacho ndeya Jacob munin’ina wake nezvipwere zvitatu.

George anoda kuziva kuti Jacob wekuKwekwe azobatana nzira sei nevekuHarare, Jacob ndokutsanangura kufamba kwazvainge zvaitwa vanhu ndokuzotandara kusvikira kunze kwatoenda.
(Enderero mberi svondo rinouya.)

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>