‘Tangai kugadzirira mwaka unotevera’

23 Aug, 2019 - 00:08 0 Views
‘Tangai kugadzirira mwaka unotevera’ Cde Mliswa-Chikoka

Kwayedza

Munyori weKwayedza
MAPOKA akasiyana anoona nenyaya dzekurima okurudzirwa kuti atange kugadzirira mwaka wa2019/2020 nechinangwa chekukunda matambudziko akasanganikwa nawo gore radarika, vanodaro gurukota reHurumende rinomirira dunhu reMashonaland West, Cde Mary Mliswa-Chikoka.

Vakataura mashoko aya pakuvhurwa zviri pamutemo kweshoo yeMashonaland West Agricultural Show, kuChinhoyi svondo radarika.

“Hatina kuita zvakanaka mwaka wadarika apo mvura isina kunaya zvakaringana mupurovhinzi ino, pamwechete nekuzoshaya mvura kwenguva yakareba muchikamu chechipiri chemwaka uyu. Iye zvino tinofanira kuisa misoro pamwechete uye totanga kuronga kuti mwaka wa2019/2020 ubudirire,” vanodaro.

Cde Mliswa-Chikoka vanoti vanokurudzira kubatana kwemapoka akasiyana nechinangwa chekusimudzira budiriro kuMashonaland West.

“Vemabhizimisi vari mupurovhinzi yedu vanofanirwa kurongana vobatana kuburikidza nemasangano avo. Izvi zvakakosha munyaya dzekusimudzira hupfumi, zvikuru Gross Domestic Product (GDP) yemupurovhinzi medu. Tinowana zvakawanda kana tikashanda pamwechete. Ndinokukurudzirai mose kuti tichashande pamwechete munyaya dzekuti kuitwa kwemabhizimisi kunge kuchireruka,” vanodaro.

Cde Mliswa-Chikoka vanoti vanoshushikana zvikuru nevamwe varimi vane katsika kekutengesa zvirimwa zvavo kumwe vachisiya makambani anenge akavapa makondirakiti.

Vanoti katsika aka hakana kunaka zvachose sezvo kachiita kuti varimi vazotadze kushanda zvakanaka nemakambani anenge avapa makondirakiti izvo zvinodzosera mabasa ekurima kumashure.

Hurumende, vanodaro Cde Mliswa-Chikoka,  yakazvipira kubatsira varimi kuburikidza nemapazi ayo akasiyana uye nezvirongwa zvekuvapa zvekushandisa zvakadai seCommand Agriculture nePresidential Inputs Scheme.

“Apo tiri kutanga mwaka mutsva munaGunyana, Hurumende – ichishanda nevabatsiri vakasiyana – ichange ichiita zvirongwa zvekusimudzira varimi mubasa ravo.

“Zvirongwa izvi zvinosanganisira misangano nevarimi vasati vadyara nekutaridzwa madyarirwo embesa dzakasiyana pamwe nekuita hurukuro kuminda.

“Ndapota huyai tishande pamwechete uye muwane mukana wekusangana nemapoka akasiyana anoshanda neHurumende avo vachange vachitsanangura nezvemishina mitsva uye kuti inoshanda sei,” vanodaro.

Cde Mliswa-Chikoka  vanoti zvakakosha kuti vanhu vabatsirike nezviwanikwa zvemunharaunda dzavo, zvikuru kuMashonaland West uye kuti vari kuita zvechikorokoza vanofanira kunyoresa mabasa avo zviri pamutemo.

Share This:

Sponsored Links