‘Tanyanya kudhurirwa nezvinhu’

10 May, 2019 - 00:05 0 Views
‘Tanyanya kudhurirwa nezvinhu’ Bright Mudukuti - Mifananidzo naAshley Muchamiri

Kwayedza

Tatenda Shuro, Ashley Muchamiri naMilcah Nhakura
VABEREKI nevana vechikoro vari kutsutsumwa nekukwira kwakaita mitengo yezvimwe zvinodiwa kuchikoro semari yemafizi, mayunifomu, chikafu zvose nemabhuku.

Ongororo yakaitwa neKwayedza inoratidza kuti zvikoro zvakawanda zvemabhodhingi nezvitoro zvikuru zvinotengesa mayunifomu zvave kuda kubhadharwa nemaUS$ kana kuti nemaRTGS$ akawanda.

Semuenzaniso, midhebhe yemayunifomu mune zvimwe zvitoro iri kutengeswa nemari inobvira pa$40 kusvika $60, mablazer ava kuita $100 kusvika $200 uyewo majuzi achitangira pa$50.

Kwayedza yakaita hurukuro nevamwe vabereki nevana vechikoro zvichitevera kuvhurwa kwezvikoro nemusi weChipiri svondo rino avo vari kugunun’una nekukwira kwemitengo uku.

VaPhillip Magogo vemuHarare vanoti kunze kwekukwira kwemitengo yemayunifomu, zvimwe zvikoro zvakakwidzawo mari yemafizi zvichisiya vabereki vaomerwa.

“Kubva kukwira kwakaita mari dzechikoro, handichakwanisa kubhadhara mari iyi nekuti yawandisa. Ndave katobvisa mwana wangu pachikoro chaange achidzidza uye pari zvino ndiri kutsvaga nzvimbo kune zvimwe zvikoro zvekurukisheni.

“Kukwira kwakaita zvinhu zvakaita semayunifomu kwatiomesera sezvo mari iri kunetsa kuwana,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa naMai Judith Muripo vekwaRusape vachiti, “Kubva zvandabhadhara mari yemwana yechikoro nekutenga mayunifomu, ndatosara ndisina kana chinhu kumba nekuti mari yekuchikoro kunodzidza mwana wangu yakakwira zvekuti dhuu. Zvino kana kudzidza iri nhaka yeupenyu, nhaka yacho yave kudhura.”

Tatenda Mujatame (14) – uyo ari kuita Fomu 2 paMavhudzi High School, kuNyazura – anoti achashanda nesimba temu ino kuitira kuti mari yechikoro iri kubhadharwa nevabereki vake isaendere pasina.

“Kuvhurwa kwezvikoro kuri kutorwadza nokuti tikatarisa kukwira kwaita zvinhu apo mari yandapihwa yekuzoshandisa haiitotenge chinhu. Tinongotarisira kuti vadzidzisi vedu vange vachiuya kuzvidzidzo vachifundisawo nemazvo nekuti kukwira kwezvinhu hakufanire kutitadzisa kudzidza zvakanaka,” anodaro

Kuchiti Tinashe Chari (20) wekuChitungwiza anoti vana vechikoro vanofanira kudzidza nesimba zvisinei nekuoma kwakaita nyaya dzeupfumi munyika.

Mashoko ake anotsigirwa naBright Mudukuti (17) uyo ari kuita Fomu 5 kuMbiriri High School, kuChimanimani, achiti, “Kukwira kwakaita zvinhu kunotorwadza, girosari randatengerwa kuti ndiende naro kuchikoro ishoma nekuda kwekuti zvinhu zviri kudhura.”

Share This:

Sponsored Links