Tete muri muroyi: Muroora

01 Jul, 2023 - 10:07 0 Views
Tete muri muroyi: Muroora Dare

Kwayedza

Gamuchirai Bhachi

MUDZIMAI anogara kuKaroi akapotera kudare reHarare Civil Court achiti muroora wake anouya pamba pake nababa vake vachimutuka nekumupumha huroyi.

Nhamo Zhuwaneti akaudza mutongi wedare Sharon Mashavira kuti muroora wake, Linnet Kanyandura, ari kumushungurudza zvakanyanya.

“Muroora andishaisa rugare, anouya pamba pangu achindituka. Masvondo apfuura, akauya nababa vake husiku akandirova achiti ndinoroya.

“Handichadi kumuona pamba pangu nekuti haatendi, ndaimuchengeta iye nevana vake apo murume wake aive ari kunyika yeSouth Africa,” anodaro Zhuwaneti.

Anoenderera mberi achiti: “Rimwe zuva tiri parufu, vazukuru vangu – vana vaLinnet – vakanditiza mushure mekunge vaudzwa kuti ndinoroya nagogo vavo. Izvi zvave kuita kuti nharaunda yese indinongedzere kuti ndiri muroyi.”

Zvakabuda mudare iri kuti vaviri ava vakamboendesana kudare rasabhuku wekunzvimbo yavanogara asi hapana chakabuda nekuti Kanyandura anonzi haana kuenda.

Kanyandura anopikisa mashoko aya achiti haana kumbopumha Zhuwaneti huroyi kana kumutuka.

“Ndinotoda kuchengetedza runyararo navatete.

“Vanonyepa kuti ndakavatuka nekuudza vanhu vemunzvimbo yatinogara kuti vanoroya,” anodaro Kanyandura.

Anoti kana akamiswa kuenda kumba kwaZhuwaneti anotambura nekuti ndiko kwaanowana zvekudya nezvekupfeka nekuda kwekuti haakwanise kuzvishandira sezvo achirwara.

Mutongi Mashavira vakapa Zhuwaneti gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>