Tete nemuroora vakarwira R3

03 Sep, 2015 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Kudakwashe Chinokuya
NYAYA yekurwira chikwereti cheR3 pakati pemuroora natete yakazopera kudare redzimhosva. Tariro Chada akamhan’arira Fatima Mapiti uyo anove hanzvadzi yemurume wake kuHarare Civil Court. Chada akati Mapiti anogara achimushungurudza pabasa pake. “Vanogara vachiuya pamusika pangu vachindinetsa zvinova zvinovhiringa kufamba zvakanaka kwebasa rangu. Vanonditukirira zvinyadzi vachiti ndakadyisa hanzvadzi yavo mupfuhwira. Zvose izvi vanozvitaura pane vana iri nyaya inondirwadza kuti satete vanozopa rairo yakadii kwavari,” akadaro. “Vakatora zvinhu pamusika wangu vakaramba kubhadhara vachiti imari yehanzvadzi yavo inotenga zvandinotengesa. Ndakaenda kumba kwavo ndichibvunza mari yangu vakandiudza mashoko anogara moyo. Vakanditi ndiri pfambi ndinoda kudya mari yehanzvadzi yavo. Vakandiudza mashoko erufu zvekuti ndava kutotya.”

Mapiti akati zvose zvaitaurwa haazvizive. “Nyaya yandinoziva ndeyekuti takanetsana tikarwa asi takazoyananiswa nemapurisa. Pamusika pake ndakatora zvinhu zveR3 chete. Handizive kuti ndiyo nyaya yaangaudza dare isina basa rose. Zviri zvekuti anoda gwaro rerunyararo handipikisane nazvo, mupei tigoona kuti zvinogumira kupi,” akadaro.

Mutongi Barbra Mateko akapa Chada gwaro rerunyararo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>