Tezvara varova mukuwasha, iye ndokuramba mukadzi

13 Feb, 2024 - 13:02 0 Views
Tezvara varova mukuwasha, iye ndokuramba mukadzi Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

VAMWE samusha vemuHarare vanoti vakarohwa kunge nyoka yapinda mumba nemadzitezvara avo mushure mekunge vanetsana nemudzimai wavo.

Thomas Mukarate audza dare reHarare Civil Court kuti haachada kuona Dorica Shereni pedyo naye uye ngaarege kumuridzira nhare kana kumutumira mashoko.

“Mazuva apfuura akatumira mashoko munhare mangu achiti anoda kudzoka kuzogara neni zvechisimba. Ndakamuramba mushure mekunge andirovesa nehanzvadzi dzake tanetsana mumba,” anodaro Mukarate.

“Kubva ipapo hazvina kundiitira zvakanaka ndikadzoka ndikapisa midziyo yose ndikamuti famba-fambai zvenyu mai mwana. Aona kuti kwaari kugara ava kutadza kubhadhara rendi, ave kuda kudzoka. Ini handichada kumuona pasitendi pangu uye mwana wangu ndichachengeta ndega,” anodaro.

Achipawo divi rake, Shereni anoti anoda kudzoka kumba kwake vagochengeta mwana vari pamwe chete.

“Handina kuramba murume asi kuti ndiye akatondidzinga ndokupisa midziyo yangu yose ini ndikanotsvaga pekugara. Rendi yava kundiremera saka ndinoda kudzoka kumba kwangu nekuti sitendi takaitenga tose,” anodaro Shereni.

Mukarate anorambisisa kuti sitendi iyi vakatenga vose uye ndokuti kana Shereni akadzoka pamba zvachose, kugarisana kwacho kunonetsa sezvo pakati pavo pasisina rudo.

Mutongi Johanna Mukwesha varasa chikumbiro chaMukarate chegwaro redziviriro vachiti haana kupa umboo hunogutsa hunoratidza kuti ari kushungurudzwa naShereni.

Shereni apihwawo zano rokuti asamanikidzire rudo kana kunogara pamba paasingachadiwe nemurume.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>