Ticha akanyimwa $300

09 Jun, 2017 - 00:06 0 Views
Ticha akanyimwa $300 court

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa —
MUDZIMAI anoshanda semudzidzisi wekuda kuchengetwa neaimbove murume wake mushure mekunge varambana akashaya pekupinda mudare zvichitevera kuraswa kwakaitwa chikumbiro chake.

Mercy Makufa akaendesa John Makufa kuHarare Civil Court achiti anoda kuti abhadhare $300 pamwedzi yekumuriritira sezvo vaimbove vakaroorana ndokuchata. “Changamire, ndauya pano ndichikumbira kuti John andipe $300 yekundichengeta nekuti akatiza pamba akandisiya ndega ndisina chokubata,” anodaro Mercy.

Anoti iye mudzidzisi anotambira $163 pamwedzi uye John ane chitoro chinotengesa zvekudya nemota yaanoshandisa kutakura vanhu saka mari yaanowana pamwedzi inodarika $700.

“Baba ava vanoshanda uye vane chitoro chinotengeswa zvekudya nemota inotakura vanhu. Ini ndinoshanda semudzidzisi ndichihora $163 pamwedzi asi haikwane, ndokusaka ndichida kuti vandichengete uye kumba kwavakandisiya kune zvikwereti hobho zvemvura nemagetsi,” anodaro Mercy.

John anopikisana naMercy achiti pavakarambana dare High Court rakapa mutongo wekuti hapana mari yaanomupa.

“Ndinopikisana nezviri kutaurwa naamai ava nekuti ivo vanoshanda, ini handishande. Saka mari yacho ndoiwanepi? Pamusoro pezvo, patakarambana dare reHigh Court rakati hapana mari yandinomupa,” anodaro John.

Anoti Mercy ane hundyire nekuti ari kugara pamba pavaigara vachiri vose asi iye aine yake imba yaanotora mari yamaroja uye ane mota. “Amai ava vane mota neimba yavo yavanotora mari yemaroja saka mabhiri avari kutaura anobhadharwa nemari yemaroja. Ndinoshamisika kuti nditicha asi pfungwa dzavo ndinoshaya kuti dzinofunga sei, ingori nyaya yehundyire yavatuma kudai,” anodaro.

Mutongi Amanda Muridzo akarasa chikumbiro chaMercy achiti dare guru reHigh Court rakange rapa mutongo kare wekuti hapana mari yaanofanirwa kupihwa naJohn.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>