Ticha arumwa nenyuchi akafa

13 Jun, 2022 - 15:06 0 Views
Ticha arumwa nenyuchi akafa

Kwayedza

Johnsias Mutonhori

MUNYAYA inotyisa zvikuru kuGokwe, kudunhu reMidlands, kune mudzimai anga achishanda semudzidzisi anonzi akarumwa nenyuchi akafa svondo rapera apo aibva kunzvimbo yemabhizimisi yeko uko akanga anotenga magirosari mushure mekunge apedza basa zuva iri.

Zvisinei nekuti vanhu vemumusha uri padyo vakamhanyira kunoedza kumubatsira mushure mekunge vanzwa achiridza mhere kuchema, avo vakasvika vakamukanda gumbeze kuti nyuchi idzi dzisarambe dzichimuruma, zvinonzi dzakaramba dzichingomuruma chete.

Inspector Emmanuel Mahoko, asvo vanova mutauriri wemapurisa kuMidlands, vanotsinhira nyaya iyi.

Vanoti Mai Sitholakhe Moyo (42) avo vaidzidzisa pachikoro cheNyamhara Primary School ndivo vakarumwa nenyuchi vakafa.

“Tine nyaya yemudzimai ainzi Sitholakhe Moyo uyo akarumwa nenyuchi achibva kunzvimbo yemabhizimisi yeko. Tsaona iyi yakaitika nemusi weChitatu nenguva dza5 zuva rodoka svondo rakapera,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoti Mai Moyo vakazoendeswa kuchipatara cheNembudziya uko vakasvika vachifa mushure menguva pfupi vachangotanga kubatsirwa.

Inspector Emmanuel Mahoko

“Mai Moyo vanonzi vakapedza basa ndokuenda kunzvimbo yemabhizimisi iri pedyo nechikoro chavo vachida kunotenga magirosari. Pakudzoka, vanonzi vakazosangana nenyuchi dzaiva dzakawanda dzakabva mumuti waiva pedyo nemugwagwa ndokutanga kurumwa,” vanodaro Insp Mahoko.

VaTinashe Chinaka vanogara mumusha uri pedyo nechikoro ichi vanoti mumwe wevakaona mudzimai uyu achirumwa nenyuchi idzi.

“Takavanzwa vachiridza mhere kuchema ndokumhanya kunoona tikawana vapunzikira pasi vakamomoterwa nenyuchi muviri wose. Vamwe vanhu vakamhanya negumbeze ndokusvikofugidza mudzimai uyu apo nyuchi idzi dzakangoramba dzichimuruma uye dzimwe dzichitenderera dzichida kuenderera pavaiva,” vanodaro VaChinaka.

Mai Moyo vanonzi vakazotakurwa nemotokari nevamwewo vanhu vachiendeswa kuchipatara uko vakasvikofira.

Insp Mahoko vanoti vebazi reEnvironmental Management Agency (EMA) vakazouyawo ndokufirita nyuchi idzi nemushonga.

Share This:

Sponsored Links