‘Ticharamba tichitsigira varimi’

14 Apr, 2017 - 00:04 0 Views
‘Ticharamba tichitsigira varimi’

Kwayedza

Malven Mugadzikwa —
MUNYORI mukuru mubazi rezvekurima nekuvandudzwa kwemishina yemadiridziro, VaRingson Chitsiko, vanoti Hurumende icharamba ichitsigira varimi zvichitevera goho huru riri kutarisirwa munyika mwaka uno nekuda kwechirongwa cheCommand Agriculture.

Vakataura mashoko aya svondo rapera pagungano revarimi vaitaridzwa mbeu itsva dziri kuuchikwa nekambani yeSeed Co kuRattray Arnold Research Station kuShamva.

“Nyika zhinji dzinotadza kuva negoho rakanaka mukurima kwadzo nenyaya yekuti dzinenge dzisina mbeu dzakauchikwa zvakakwana uye dzinoenderana nenzvimbo dzavo. Muno muZimbabwe tinotenda zvikuru makambani akaita seSeed Co nemamwe ari mune zvekuuchika nekutengesa mbeu nebasa guru ravanoita pakuuchika mbeu dzinoenderana nematunhu akasiyana ari munyika, “ vanodaro VaChitsiko.

Vanoti varimi vazhinji vanowana goho rakanaka ndeavo vanenge vatenga mbeu dzakauchikwa dzisiri dzemikoto.

“Varimi vemuno vakakomborerwa kuti kumakambani anouchika nekutengesa mbeu aya kunanamazvikokota vanovatsanangurira kuti mbeu dzinorimwa sei uye mishonga pamwe chete nemafetereza adzinoda. Varimi vanofanira kutora mukana uyu wekupihwa ruzivo pachena pakusarudza mbeu dzavo. Gore rino nyika yese iri kufara nekuda kwechirongwa cheCommand Agriculture chakaparurwa neHurumende nekuti varimi vakapinda muchirongwa ichi vazhinji vacho vakawana goho guru,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Sezvo kari kekutanga kuita chirongwa ichi, pane matambudziko atakasangana nawo seHurumende pamwe chete nevarimi. Rimwe dambudziko guru rakanga riri rekuti varimi vainonoka kuwana zvinhu zvekushandisa zvakafanana nembeu nefetereza. Izvi tinoda kuvimbisa kuti mumwaka unotevera tiri kuzvigadzirisa uye tichakasira kupa varimi mbeu nefetereza kuti vagare vava nezvinhu zvavo zvakakwana. Hatichada kuti varimi vane shungu varase tariro mukurima nekuda kwekuti vashaya zvekurimisa zvakakwana. Tava kuda kuti nyika yeZimbabwe idzokere pakare pekuti ndiyo yaibatsira nyika zhinji dzemuSouthern Africa nechikafu.”

Mashoko avo anotsinhirwa namanaging director weSeed Co – VaDenias Zaranyika – vachiti varimi vanofanira kuvandudza kurima kwavo kuburikidza nekushandisa mishina pamwe chete nedzimwe nzira dzechizvino-zvino.

“SeSeed Co ticharamba tichiuchika mbeu dzinoenderana nemwaka pamwe chete nenzvimbo dzine varimi. Tinoramba tichiita tsvakurudzo yekuuchika mbeu kuti zvibatsire varimi pakurima kwavo. Parizvino tava nembeu dzakasiyana-siyana dzinoenderana nematunhu akapoteredza nyika. Tinoda kuti varimi varambe vachivimba nesu nekuti kubatana kwedu navo pamwe chete neHurumende kunoita kuti nyika igare yakaguta,” vanodaro VaZaranyika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>