‘Tiri kukururwa hembe ‘nezvinhu’’

27 Mar, 2024 - 11:03 0 Views
‘Tiri kukururwa hembe ‘nezvinhu’’ Mai Zvanyadza Masvosva

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MHURI inogara mumusha weWaterfalls, muHarare – asi kumusha ichibva kuGuruve – inonzi yakapata musha wayo nekuda kwemasaramusi ezvinhu zvavasingaone izvo zvinoti kana twakakwidza, zvinovakatanura hembe, dzokandwa kwakadaro, vanhu vosiiwa vakashama.

Sezvinonzi zvekukatanurwa mbatya zvitete, mhuri iyi ine mwanasikana anongobuda honye mumuviri.

Mai Zvanyadza Masvosva Mutsau (43), nemurume wavo VaAlbert Mutsau (47) nemhuri yavo vave kugara kwakasiyana nekuda kwedambudziko iri.

Mai Masvosva Mutsau vave kugara kuEpworth nevana asi VaMutsau havasati vozivikanwa kwavakatizira.

“Dambudziko redu rakatanga kumusha kwaSabhuku Tagara, kwaMambo Chipuriro, kuGuruve, tichikururwa mbatya tose nevana nezvinhu zvataisaona. Izvi zvinoitika baba vasipo.

“Taitorerwa mari nekurohwa nezvinhu izvi. Takauya kuHarare kumba kwedu kuWaterfalls, zvakabva zvatowedzera.

“Rimwe dambudziko nderekuti mwana wedu musikana ane mitezo isina kuita zvakanaka akazotanga kubuda honye tikashaya kuziva kuti chii,” vanodaro amai ava.

Vanoti vakazochengeta honye dzinobuda mwana uyu vakadziisa muwodhiropu papepa vachida kuzoenda nadzo kumaporofita idzo dzavanoti dzakazobviswa nemurume.

“Takawirirana nababa kuti tizofamba kumaporofita kana kun’anga nehonye idzi kuti titsvage dambudziko remwana uyu. Asi mambakwedza ezuva rakatevera kuma3, baba vakangomuka ndichifunga kuti vaida kuenda kuchimbuzi, vachibva vaenda zvachose kusvika nanhasi. Izvozvi vasvitsa mwedzi mitatu vatisiya pamba,” vanodaro Mai Masvosva Mutsau.

Vanoti kukumurwa mbatya nekutorerwa mari zvakatowedzera zvikazoita kuti ivowo vatizewo pamba pavo kuWaterfalls ndokunogara kuEpworth uko vari kuroja imba imwe chete nevana vavo vashanu.

“Kumba takangosiya kwakadaro nekuda kwedambudziko iri. Takanga tava kushaya mbatya pamuviri tigere mumba, mari ichitorwa muwodhiropu nemuzvikwama uyewo magumbeze aiwaranurwa pamubhedha tirere. Babawo handizive kuti vakaenda kupi, tinongonzwa kuti vari kuWarren Park,” vanodaro Mai Masvosva Mutsau.

Padambudziko rekubuda honye kwemwana, vanoti vakamboenda kuchipatara akapihwa mishonga pasina chakasanduka.

“Izvozvi hatina mbatya dzekupfeka nekuti dzimwe dzinongotorwa muwodhiropu zvose nemagumbeze, mari ichienda. Vana havachaenda kuchikoro ukuwo baba vakatizawo nekwavo. Vagara vanota basa rekuvaka asi havasi kana kutumiri mari,” vanodaro.

Mai Masvosva Mutsau vanoti vari kudawo kubatsirwa padambudziko iri. Kwayedza yakazotsvaga VaMutsau ndokuvawana kuGlenarah, kuWhite House, padyo neKuwadzana, uko vari kuita basa rekuvaka.

VaAlbert Mutsau

Vanopomera mudzimai wavo mhosva yekuva nehutsotsi uye ndokuti hakuna zvinhu zvinoba mari yavo nembatya mumba.

“Ini handina umboo hwenyaya idzi dzekuti mari nembatya zvinotorwa nezvinhu zvisingaonekwi. Zvakatanga kumusha kuGuruve tikagouya kuno kuHarare, ivo (mudzimai) ndivo vanotaura nyaya iyi kuti vanokururwa mbatya dzavakapfeka vachisara vava musvo. Ini handina kumbozviona, ndinoti chikuruku chavanoita kwandiri.

“Dzimwe nguva ndakamboshaya US$15 000 mumba ikanzi yatorwa nemasaramusi, samende mabhegi makumi matatu chaiwo nemadoor frames zvikashaikwa pamba, zvakawanda zvinoitika,” vanodaro VaMutsau.

Nyaya yekuti mwana wavo anobuda honye vanoiramba vachiti vakatotanga kuinzwa nevatori venhau.

“Ini ndaneta nemaitiro emudzimai wangu kubva mugore ra2016 ndipo pakatanga nyaya iyi yekunzi tiri kukururwa mbatya nevana mari ichitorwa. Takabva kumusha tikauya kuHarare kumba kwedu kuWaterfalls, sei masaramusi aya asingabate ini achibata mudzimai wangu nevana chete?

“Zvehonye izvo hapana chandinoziva. Dambudziko rine mwana uyu anonzi anobuda honye zvinonzi ane sare rinoda kubviswa,” vanodaro baba ava.

Murume uyu anoti kana mudzimai wake asina kudzokera kunogara kumusha nemhuri yavo, iye haadzoke kumba sezvo achiti nyaya yavo yava kuda kuti vanogara kune vanhu vakuru.

“Nyaya yekuti ndakatiza nehonye dzaiva dzabviswa pamwana handiizive nezvimwe zvose zvinotaurwa, kundisvibisa zita rangu uko. Ndakatengesa motokari nekuda kwenyaya idzi, zvakawanda zvinoitika.”

Murume uyu anoramba kutaurira vatori venhau kwaanogara.

Mai Masvosva Mutsau vakarambawo nyaya dzavanopomerwa nemurume wavo idzi kusanganisira kuti vane hutsotsi.

Zvakadai, Gogo Mamoyo vekuChitungwiza vanokurudzira VaMutsau nemudzimai wavo kuti vafambe pamwe chete vabtsirwe pachivanhu kana vaine dambudziko ravakatarisana naro.

“Dambudziko rine mhuri iyi harichada kuti vakandirane nyoka mhenyu, zvava kuda kuti vafambe pamwe chete vanotsvaga pane mudzi wedambudziko ravo uye vakarivara nyaya iyi iri kuenda parefu,” vanodaro Gogo Mamoyo.

Share This:

Sponsored Links