Topiringishana mumaCALA

07 Oct, 2021 - 11:10 0 Views
Topiringishana mumaCALA Hurumende yakavamba chirongwa cheEducation Community Outreach Programme mugore ra2017 nedonzvo rekuti mwana wose awane kodzero yekudzidza.

Kwayedza

Ticha Danga

REGAI tichingamidzane sezvo tanga takaparadzana kwenguva yakareba nekuda kwedzihwamupengo reCovid-19 rakadai kutekeshera pasi rose iri.

Dambudziko reCovid-19 rakaita kuti gadziriro yedu yebvunzo dzekupera kwegore isanyatsofamba zvakanaka. Bvunzo dzegore rino ndiro rekutanga kubva pakaitwa bumbiro idzva redzidzo reSecondary nePrimary apo kuchanyorwa mapepa matanhatu kubva mumashanu akanyorwa mugore rapfuura.
Gadziriro yedu yebvunzo yava kutoda kuti tichame uye tisatambise nguva. Bumbiro redu rakabatwa nenyanzvi richibva radzorwa kuti riite pfupi (compressed syllabus) kuti vana vawane kudzidziswa zvinhu zvacho zvakakosha munguva pfupi.

Pamusoro pekuita zvidzidzo zvitanhatu Hurumende yakaona zakakodzera kuti vana vaongorerwe maererano nemadzidziro avanoitawo pachavo kubudikidza netsvagurudzo apo vachaita zvigadzirwa nezvidzidzo zvavo zvichitarisiswa nevabereki vavo nevadzidzisi kuti varatidze utesve hwavo kwete mukunyora chete, asi nemubato wemaoko chaiwo.

Kudzidza uku kuchaita kuti vana vapihwe mugove wavo uyo uchatora mamakisi anokwana makumi matatu (30marks).
Kudzidza kwemhando iyi kunodaidzwa kunzi CALA nemuchidimbu. Izvi zvonoreva kuti Continuous Assessment Learning Areas muChirungu.

Zvinoreva izvo kuti vana vaya vanonetseka mukunyora chaiko vanozowanawo chouviri mune zvavanogonawo sekuumba, kuveza kana kudhirowa mifananidzo.

MaCALA aya achaitwa muzvikamu zvitatu apo chikamu chekutanga chakatoitwa sezvo goho racho raifanirwa kunge rakasvika mumaoko eZimsec musi wa24 Gunyana apo vana vaitarisirwa kuva nehunyanzvi hwekuita tsvagurudzo vachishandisa madandemutande eIndaneti kana kushandisa vanaSorojena.

MaCALA aya anomira ari mana. Kune musoro wacho unova (scope of the CALA) kozoita rakanangana nemudzidzisi (teacher CALA guide) kozotiwo remudzidzi wacho (leaner CALA guide) kochizoita pepa rinoratidza maparadzirwo emamakisi (assessment guide).

Izvi zvose zvinoitwa pachidzidzo chega chega kureva kuti mwana anoendesa maCALA katatu pagore pazvidzidzo zvake zvitanhatu kuti aite gumi nemasere.

Zvinorevawo kuti CALA rimwe chete rinoitwa muzvikamu zvitatu (3 components). Chikamu chekutanga chaidiwa musi wa24 Gunyana, chechipiri chinodiwa musi wa16 Gumiguru koti Chechitatu musi wa6 Mbudzi.

Zvinoreva izvo kuti vana vanofanirwa kuva vaine maCALA avo ose vachitopishana nawo kuitira kuti vasadarikidze mazuva akatarwa.
Muchikamu chinotevera tichaedza kuisa mhando yeCALA kuti tigobatsirikana sezvikara zvasangana muCALA.

Share This:

Sponsored Links