Tsumo ‘dzakakora’

12 Dec, 2014 - 22:12 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
TSVAkURUDZO yakanaka pakuti inoramba ichingoburitsa zvistva. Ndaifunga kuti chikamu chapera ndainge ndapedza zvetsumo totangana nezvitsva. Asi ndaona kuti nhava haingavharwi kana kusungwa ndisina kukanda dzimwezve tsumo dzisingawanzozivikanwa kana kutaurwa.

Nokudaro, ndatora zvakare uno mukana kuti tidzipaure pachena tidzizive togodzipakira munhava kuitira mangwana.

Kana pakaita dambudziko munhu anonzwirwa tsitsi navanhu vose. Kunyange nevaye vakamuvenga vanomunzwira urombo. Ndiko kusaka zvichinzi ave mauya mauya kufa kwemukadzi kwakanaka.

Ichokwadi kuti mugoti unopihwa anyerere. Vanhu vaya vakanyarara vanowanzowirwa nemakomborero avasina kukumbira kana kugambira. Vapi vemakomborero vanoona kuita kwavo voti chitanduro ndechina amai mugoti unopihwa anyerere.

Zvinonzi navakuru munhu akaroorera mukarabwa asina kupfuma achazogara achingosunzira imba yavatezvara ivavo. Izvi zvinozokonzera kuti mukwasha iyeye aitewo matambudziko mumba make. Ndipo panonzi kuroorera mukarabwa muchena wapinza udyi mumba.

Kana munhu aine chinhu chako chikuru uye chaunodisisa haungamutadzire kana kumuitira zvinhu zvinomushatirisa nekuti unenge uchitya kuti chinhu chako chingazobva charova kana kuparadzwa. Unotongotsvira mudundundu.

Ndipo panopinda tsumo inoti raita gonzo ragara pamutengesi.

Kuneta kwemukuyi sadza rinodyiwa nevagere zvinoreva kuti vanoshanda havasi ivo vanodya vega michero yekushanda kwavo. Kana nyopewo dzinopona nemasimba nekushanda kwevamwe.

Mukurarama tinosvikirwa nezvakasiyana siyana. Kune dzimwe nguva dzekuti unosangana nematambudziko anokupedza simba nekukutorera pfungwa. Vagoni vanoti kana zvadai ava mangongomera mupasha wapfura musoro.

Tsumo inoti munhu kubaiwa anochema inoreva kuti hazvinei kuti munhu akaipa sei kana kuti anotadza zvakadini, ane zvimwe zvinhu zvaanoitawo kuti aratidze hunhu hwake sevamwe vanhu.

Mukuwana pfuma vanhu vanoita zvakasiyana. Vamwe vanodyira kuparadza, vamwewo vanodya vachiziva ramangwana. Kuparadza pfuma umwe uchichengetera mangwana ndizvo zvinorehwa netsumo inoti waita wemutowa kuti kumwe kwakaoma kumwe kunyoro.

Kune vamwe vanhu vakati ngwarisei muupenyu vanogona kuitira munhu mutsa ivo vachiziva kuti vachazodya pfuma yake. Ndipo panonzi moyo washe here gudo kuchengeta nyimo.

Pane zvimwe zvinhu zvinongoyevedza maziso kuzviona.

Zvimwe zvacho hazvina kusimba, kungokwezva meso asi pasina zviripo. Ndiko kusaka vakuru vachizoti chakadepo here kutora zanda kuita nhekwe.

Kune vanhu vanoitira vamwe vanhu zvakanaka muupenyu. Vaya vaitirwa zvakanaka vanotadza vaya vavaitira zvakanaka. Vakuru vachiona zvakadai vanoti kwamairidigukira ndiko moringa deyateya.

Kana munhu achinge atanga kuita chinhu anoda kuva mutungamiri pachinhu ichocho.

Zvakafanana nemukadzi akatanga kuroorwa pamusha, anozviita mukuru achitonga vakadziny’ina. Izvi zvinoenderana netsumo inoti mafutura evakatangapo kare kusukidza svingo nechirongo.

 

Share This:

Sponsored Links