Tsumo dzine hudzamu

01 Sep, 2017 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga  —
CHAKADEPOWO here kuita nhekwe yejira. Ko ndiniwo here ndakaita kuti jedye ridamburwe muswe. Wabva waiitawo womutowa kuti kumwe kwakaoma kumwe kunyoro. Ichokwadi kuti muto wokupungurirwa haupedze sadza. Ndizvozvo zvarinoda dokoriro kuripa sadza negusha.

Uku kutaura chiShona dzakadzama tichishandisa tsumo. Semavhairiro anoita vaya vanoita chiRungu chekusvisvina, tinofanirwawo kumira nechiShona chedu tichichisvisvina nekuridigura hunzanzanza hwetsumo madimikira kana nyaudzosingwi.

Tinofanira kudada nemutauro wedu nekuti arimowo matsvigotsviriri muchiShona. Kutaura kwakadzama uku kunogona kuitwa nevaya vanoziva zvinoreva tsumo. Nekudaro ndinotora mukana uno kuti titsvage tsumo dzine hudzamu tigodzitsanangudza.

Kutsanangudzwa kwetsumo idzi kunobatsira vana vechikoro kuti kana vonyora rondedzero dzavo, dzigova rondedzero dzinokwezva goho repamusoro pabvunzo.

Zvinonzi navakuru, “Moyo washe here gudo kuchengeta nyimo.” Iyi itsumo inodudza kana kureva zvakasiyana asi zvichiburitsa hundyire apo munhu anoda kubatsira munhu asi iye aine chaanotarisira kuwana pamberi.

Ndingatora muenzaniso werume ringada kubatsira kana shirikadzi munharaunda iro richida kuzotora mwanasikana wechirikadzi iyi.

Zvinoreva zvakare kuti munhu anogona kuitira munhu mutsa iye achiziva hake kuti anozoda kudya pfuma yake.

Kune vamwe vanhu vane hutsinye zvekuti vakapara mhosva dzavo vanoda kudzinenera kune vatorwa kuti ivo vagosara vakachena nehama dzavo. Izvi vanozviita vachinyinda nechisimba vachinakurira vatorwa mhosva.

Ndipo panopinda tsumo inoti; “Vari kuno vanoshura vanoviga nherera mhenyu vachisiya muzvari afa.”

“Panomera muswe panonyeredza.” Zvinoreva kuti matangiro anoita zvinhu haasi iwo maperero azvinogona kuita nguva dzose. Zvimwe zvinhu zvinogona kutanga zvichinakidza asi izvo zvichifurira nekunyengedza. Zvichinakidza kudaro, zvinogona kuzodaidza matambudziko kumberi. Madzudzo anonyengera kuti uapare.

Munhu munhu sekusikwa kwatakaitwa naMwari nokudaro marwadzo anonzwikwa nemunhu wose zvisinei kuti hunhu hwemunhu hwakamira sei.

Hazvinei kuti munhu akaipa sei kana kuti anotadza sei, pane zvimwe zvinhu zvaanoitawo kuti aratidze hunhu hwake sevamwe vanhu. Nokudaro munhu iyeye haafanirwi kuramba achibatwa semunhu asina maturo. Ndiko kusaka vakuru vachiti, “Muroyi munhu kubaiwa anochema.”

“Nhanga rekunzira ndimaparira ngozi.” Zvinoreva kuti zvinhu zvemunhu zvakanaka zvikangobuda pachena chete ruvengo rwotuuya.

Pfuma yemunhu ikangobuda pachena kuruzhinji vavengi vanobva vaburitsa ziso kana nembavha dzinenge dzoti hekanhi waro.

Vanhu vanoshanda zvakaomarara kuti zvinhu zvavo zvibudirire havasi voga vanozodya mibairo yekushanda zvakaomarara uku.

Kana simbe dzinotowanikwawo pakunodya apa, ndiko kusaka zvichinzi kuneta kwemukuyi sadza rinodyiwa nevagere.

Dzimwe nguva munhu anosvikirwa nedambudziko raanoshaya kuti oritatapura sei. Zvadai vana sorojena unonzwa voti, “Ava mangongomera mupasha wapfura musoro.”

Mumba mega mega munozvarwa vana vane tsika dzakasiyana. Vamwe vacho vane hunhu hwakazhangandira koti vamwe ndivana chinyerere havo.

Vana chinyerere ivavo vanowanzosangana nemakomborero nguva zhinji nekuda kwekuteramira kwavo. Ndiko kusaka vakuru vachiti, “Chitanduro ndechina amai mugoti unopiwa anyerere.”

Share This:

Sponsored Links