Tsumo dzinopikisana

14 Nov, 2014 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
NYUCHI paya padzinotora maruva dzichienda kumazana adzo dzinorindira mondo kusvika paita huya hunonzi husvisvi. Dzinogadzira mazinga ehuchi anenge akamandana kusvika guru, mhango kana mukoko zvazara dakara kumuromo. Hadzingoite masiyandaita nekuti dzinoziva kuti kana chirimo nechando zvasvika ndipo padzichaponera. Ndizvo zvakafanana nenhava yedu, iyo tinoda kunyatsozadza kuti taa, kuitira kana tozomepfenura hedu munguva apo pfungwa dzinenge dzodokwairirwa kutunhidzwa.

Muchikamu chino tinoda kutarisa tsumo dzinopikisana.

Tsumo yekuti kutsva kwendebvu varume vanodzimurana inoreva kuti vanhu kana vakawanada vanobatsirana kana mumwe apinda mutsekwende. Inopesana neinoti mbeva zhinji hadzina marishe.

Zvinenge zvoreva kuti kana vanhu vakawanda vanenge voita mukarirano dzokono basa rotadza kufamba nekuti vamwe vanenge vachingohwanda mugundamusaira.

Chaitemura choseva zvinodudza kuti uya aishaya ava kuwanawo. Iyi tsumo inopesana neinoti aiva madzibva ava mazambuko. Izvi zvinenge zvoreva kuti uya aimbosiwana zvikuru haachawanawo.

Vakuru vanoti kudzipakata handi kunzi dziridze. Iyi tsumo inopesana neinoti mombe yekuronzerwa/kurongerwa kama wakaringa nzira. Kudzipakata kwataurwa kunodudza kuti kana wapihwa kana kusiirwa zvinhu haufaniri kuchitora sezvako wobva watozvishandisa. Zvino kana waronzerwa pfuma yemunhu kana zvinhu zvemunhu unobvumirwa hako kuzvishandisa chero zvazvo uchiziva kuti anogona kuzvitora chero paangodira.

Kuzvara kwemumwe ndekwako. Iyi itsumo inotaura kuti kana pachinge paita dambudziko mumhuri nenharaunda ratove dambudziko remunhu wese.

Munhu wese anofanirwa kutora dambudziko iroro serake otsvaga mabatsiriro aangaita kuti ripere. Kana vari vana mumusha kana munharaunda ndevedu tese nokudaro tinofanirwa kubatsira kuvavaka.

Iyi tsumo inopesana neinoti nhamo yemumwe hairambirwi sadza. Apa tinenge toreva kuti dambudziko rawira mumwe wedu ngaaripedze ega.

Ichokwadi vakuru vanoreva pavanoti chikomo chiremera chevari kure vari pedyo vanotamba nacho. Iyi tsumo inoreva kuti kune zvinhu zvekuti zvagara zvichiwanikwa munharaunda nekudaro vamwe vanhu havachazvikoshesa nekuti vajairana nazvo.

Vanotongozvitora sezvinhu zvisina maturo asi vasingagari munharaunda vanenge vachitokoshesa chinhu ichocho. Tsumo iyi inopesana neinoti mwana washe muranda kumwe. Iyi inotaura kuti chinhu chinokosha munharaunda chinopihwa ruremekedzo munharaunda imomo chete.

Chinono chinengwe bere rakadya richifamba zvinoreva kuti vanhu vanofanirwa kuita zvinhu zvavo karikiriki kana kuti vachikurumidza. Inopesana netsumo inoti kumhanya handi kusvika. Apa kunenge kuri kupa yambiro yekuti hapana chatinofanirwa kumhanyira kana tichiita zvinhu nekuti tikamhanya tinogona kukanganisa maitirwo azvo chaiwo.

Mwana asingachemi anofira mumbereko. Inoreva kuti munhu akasataura nhunha dzake anosiiwa akadaro, oshaya chouviri. Inopesana neinoti mugoti unopihwa anyerere apo panodudza kuti wakativa ndiye anowana chouviri.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>