Tsumo dzisinganyanye kushandiswa

21 Nov, 2014 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
TINAYO nhava yedu iyo tinoda kuti igonyatsozara kuti pamu pamu tozoisa chishwe chatichazosunungura kana toda kushandisa zvirimo munguva inotevera. Vakuru vanoti usaruka nhava sora ratsva. Izvi zvinoreva kuti hatiregei kuda kuzoita chinhu iyo nguva yachaifanirwa kuitwa yapfuura. Kuti ubudirire muupenyu ita zvinhu zvako zvese nenguva. Usakusha mbeu mvura yaenda. Saka nguva yatiri ino ndiyo yakatikoshera nekuti tiri pazororo apo takamirira kuenda kuchikoro chepamusoro. Tinofanirwa kunge tichitotsindira nhava dzedu.

Mukuedza kuzadza nhava dzedu ndakatsvaga dzimwe tsumo dzisingawanzotaurwa, idzo dzandakaona dzakakodzera kuti tidzizive. Nokudaro ndichadzipa tsanangudzo dzadzo kuti mugogona kudzishandisa muzvirevo.

Zvinonzi izvo imbwa kumedza huona kudada nechivhuno. Iyi tsumo inotaura kuti ukaona munhu achishinga kuita chinhu chinenjodzi huru kana ngozi anetenge aine chete zvaanovimba nazvo. Tsumo iyi inodyidzana neinoti bofu rikati ndokurova rinenge rine charakatsika.

Ichokwadi ichocho kuti munhu anofanira kuziva kuti makomborero makuru chaizvo kuti munhu angowana chinhu chekunhonga kana chekungopiwa pachena. Kana paine chinhu chaunodisisa unotochiwana nekuchishandira. Ndipo panopinda tsumo inoti chomujiri ndechemhanza, chemudzimu ndechawadanirwa. Tsumo iyoyi ndiyo imwe chete neinoti chomutiri ndechekukomborerwa.

Hanzi navakuru enda kumupanda wenyoka, kwete kuna vapfumi. Iyi tsumo inoyambira vanhu kuti vadzikame. Munhu haafanire kungozviisa paasingakodzeri kuva. Ndiyo tsumo imwe chete nedzinoti panorwa hama nehama mutorwa suduruka, tsuro kotsa muromo wako kana imwe inoti panotamba machinda nherera sinyungwe.

Gakanje kunyangara haro asi kuruma harigone. Ndiyo tsumo inodudza zvimwe chete neinoti rwaivhu kupanduka nhando irwo rwusingagoni kuruma. Izvi zvinoreva kuti kune vamwe vanhu vanoratidzika sekunge shasha kana kufungidzirwa kuve nyanzvi pane zvimwe zvinhu asi ivo vasiri.

Zvinonzi navakuru imbwa ine hona haihukuri. Izvi zvinoreva kuti kana munhu aine chinhu chaanodisa chaanoziva kuti angangorasikirwa nacho kana akatarisa, anobva angonyarara hake kuti mwiro. Ndizvo zvinonzi navakuru nzou haikarari ina makaka.

Hanzi imbwa yarara haimutsirwe sadza yakafanana netsumo inoti nyoka yapinda mumwena hainyombwi. Iyi tsumo inoyambira vaya vanodenha kuti varege kudenha vanhu vakazvinyararira zvavo nekuti vanogona kuzokukuvadza.

Imwe tsumo inoti imbwa yakwavarara yatya. Ndizvo zvimwe chete nekuti apota nechuru avanda kana kuti apotera atya. Ndizvo zvakare zvinoreva inoti aridza mhere atya uye kuti imbwa yatya yavata. Iyi tsumo inokurudzira kupa ruregerero. Kana munhu ateterera nekuungudza achikumbira ruregerero anofanirwa kuregererwa.

Kutamba ngoma matsive kana kuti kutamba ngoma igumwe (inhimbe). Zvinoreva kuti iwe ukaitira munhu chakanaka nhasi iye achazokuitirawo zvakanaka rimwe zuva. Kuti zvinhu zvibudirire vanhu vanofanirwa kuita mapitse ekubatsirana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>