Tsumo nemadimikira namukanya

06 Apr, 2018 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Mhinduro yesvondo rapera:

Tipe tsumo inoenderana nekarungano aka:

GUDO akashevedzwa kuti apinde basa rechigadhi. Gudo akasvika pakambani yaida munhu webasa akawana pakazara vanhu vaidawo basa rimwechete iroro.

Vamwe vaitaura chirungu, vamwe vachitaura kuti vakamboshanda basa iri mhiri kwemakungwa chaiko.

Gudo akamboda kutiza, asi akazoti, “Zvimwe zvinhu zvinoda kumboedzwa, rega ndingoedzawo.” Gudo paakapinda, akabvunzwa mubvunzo mumwechete wekuti, “Gudo, wakamboba here?” Gudo akati, “Hongu.” Akabva atonzi awana basa.

 

Tsumo yacho: Matanda masairirwa, unosiya nerine muchenje.

* * *

Svondo rino:

Tipe tsumo inoenderana nekarungano aka:

GUDO akanga asiri mbavha yemandiriri.

Aiba zvinhu zvidiki zvakaita semapenzura, mari isiri yemapepa nezvimwe zvinhu zvidiki zvinokwana muhomwe.

Tsuro akati, “Gudo, tsika yako yekuba twunhu tudiki iyi dai wairegera nekuti rimwe zuva uchaba zvinhu zvikuru kwazvo.” Gudo haana kuteerera, akaseka akati, “Ndinoziva pekuperera Tsuro.” Zvino rimwe zuva Gudo akaba bhasikoro. Tsuro akati, “Gudo, uri kuona here kuti watove mbavha chaiyo?” Gudo akati, “Usatye Tsuro, bhasikoro irori ndiro rekutanga nekupedzisira.” Mushure memwedzi miviri abva mukuba bhasikoro, Gudo akapaza chitoro akaba zvinhu zvakawanda.

Akabva asungwa. Tsuro akati, “Wakatanga nezvidiki, wazoona pazvakusvitsa here Gudo? Unotanga uchiti ucharegera, wotoona katsika kacho katokura sezvazvava izvi. Ndakambokuudza!”

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

 

Share This:

Sponsored Links