Tsumo nemadimikira namukanya

13 Apr, 2018 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Ngano
Mhinduro yesvondo rapera:

Tipe tsumo inoenderana nekarungano aka:

GUDO akanga asiri mbavha yemandiriri. Aiba zvinhu zvidiki zvakaita semapenzura, mari isiri yemapepa nezvimwe zvinhu zvidiki zvinokwana muhomwe. Tsuro akati, “Gudo, tsika yako yekuba twunhu tudiki iyi dai wairegera nekuti rimwe zuva uchaba zvinhu zvikuru kwazvo.” Gudo haana kuteerera, akaseka akati, “Ndinoziva pekuperera Tsuro.” Zvino rimwe zuva Gudo akaba bhasikoro. Tsuro akati, “Gudo, uri kuona here kuti watove mbavha chaiyo?” Gudo akati, “Usatye Tsuro, bhasikoro irori ndiro rekutanga nekupedzisira.” Mushure memwedzi miviri abva mukuba bhasikoro, Gudo akapaza chitoro akaba zvinhu zvakawanda. Akabva asungwa. Tsuro akati, “Wakatanga nezvidiki, wazoona pazvakusvitsa here Gudo? Unotanga uchiti ucharegera, wotoona katsika kacho katokura sezvazvava izvi. Ndakambokuudza!”

 

. Tsumo yacho: Kamoto kamberevere kakapisa matanda mberi.

* * *

Svondo rino:

Tipe tsumo inoenderana nekarungano aka:

GUDO akapinda basa achibva aitwa foromani mushure memwedzi mishoma. Nekuda kwehuforomani, Gudo akatanga kuzvida. Kubhawa aive otengerwa doro, uye vanhu vave kumuti shefu. Gudo akanga ave kupinza nekudzinga vanhu basa paanodira. Asi rimwe zuva Gudo akashevedzwa nemurungu akanzi basa rapera. Paakaenda kubhawa hapana akanga achamuti shefu kana kumutengera doro. Akasangana nevanhu vaakanga adzinga basa vakamuti, “Iko zvino wangofananawo nesuka, waifunga kuti unosvika kupi?.”

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Share This:

Sponsored Links